Mukoma nemunin’ina vafira mumugodhi

13 Sep, 2023 - 16:09 0 Views
Mukoma nemunin’ina vafira mumugodhi Mukoma nemunin'ina vakafira mumugodhi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vanove mukoma nemunin’ina vakapfumbirwa ndokufa vachichera goridhe mumugodhi wePeak Mine, uri kuMberengwa.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti izvi zvakaitika nemusi wa5 Gunyana nenguva dza1 mambakwedza.

Thamsanga Zondo (30) nemunin’ina wake, Dumisani Zondo (23), vose vanobva mubhuku raMadumezwe, kudunhu raMambo Mapiravana, kuMberengwa, ndivo vakafira mumugodhi uyu.

Vaviri ava vanonzi vaishanda pamugodhi uyu pamwe chete naCornelius Hove (23) apo Thamsanga anonzi akadzikiswa mumugodhi wakadzika mamita makumi mana.

Ari pasi ipapo, anonzi akatanga kushevedzera kuti aburitswe asi akashaya rubatsiro.

“Panguva iyi, Cornelius Hove akadzikiswawo pasi pemugodhi uyu kuti anoona kuti zvaimbofamba sei asi asati asvika pasi, akatadza kufema ndokushevedzera kuti aburitswe achibva abatsirwa. Nekufamba kwenguva husiku hwakare, Dumisani Zondo akazozvipira kudzikiswa mumugodhi uyu kuti anonunura mukoma wake achibva azotadza kudzoka kunze zvakare,” vanodaro Insp Mahoko.

Hove akazozivisa vamwe vashandi ndokuronga chikwata chakazokwanisa kuburitsa mitumbi miviri iyi.

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa uyewo iri kufambira mberi nekuferefetwa. Tinokurudzira kune vanhu vose vanoda kuita zvezvicherwa kuti vaende kubazi rinoona nezvezvicherwa vanopihwa matsamba ekushanda uyewo vodzidziswa zvinodiwa munyaya dzemichina inoda kushandiswa,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links