Mukombe uchiri kure: Tapera

09 May, 2024 - 21:05 0 Views
Mukombe uchiri kure: Tapera Jairos Tapera

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weManica Diamonds – Jairosi Tapera – anoti ino haisi nguva yekufunga nezvekusimudza mukombe weCastle Premiership sezvo mitambo yePremier Soccer League ichakawanda inoda kutambwa.

Tapera svondo radarika akahwina mubairo weCoach of the Month waKubvumbi zvichitevera kutungamira kwaakaita chikwata chake izvo zvakachiona chichihwina mitambo mishanu ndokukundwa mumwechete.

Pamitambo yakatambwa neManica Diamonds munaKubvumbi, wekutanga yakakundwa 1-0 neNgezi Platinum asi ndokuzohwina mishanu yaitevera apo yakakunda Chicken Inn 1-0, Herentals 2-1, CAPS United 1-0, Arenel Movers 1-0 neFC Platinum 1-0.

Manica Diamonds ndiyo iri pechipiri palog rePSL iine zvibodzwa 19 uye yakaenzana neHighlanders iyo iri kutungamira palog inewo zvibodzwa 19 asi zvakangosiyaniswa nezvibodzwa zvakanwiswa.

Muhurukuro, Tapera anoti kuhwina kwaakaita mubairo weCoach of the Month zvinofadza asi chaari kunyanyokoshesa kushanda kuti chikwata chake chirambe chichitamba nhabvu inonwisa mvura.

“Zvinofadza chaizvo kuhwina mibairo inenge iyi, izvo zvorakidza kuti sechikwata munenge muchishanda nesimba mumitambo yenyu uye mwedzi wadarika takatamba nhabvu inonwisa chaizvo.

“Asi chinhu chikuru ndechekuti tinofanirwa kuramba tichishanda nesimba mumitambo yese inotevera.

“Iye zvino hatifanirwe kutaura zvekuhwina mukombe nekuti mitambo ichiripo yakawanda inofanirwa kutambwa. Ngatimboshande nesimba tirambe tichisimuka sechikwata, tozotanga kufunga zvemikombe kana patambwa mitambo 17,” anodaro Tapera.

Tapera ave nemwaka mitatu achirairidza Manica Diamonds uko kwaakaenda mugore ra2022 achitsiva Johannes Nhumwa pasara mitambo mishanu yekuti mwaka uyu upere. Gore radarika, Tapera akatungamira Manica Diamonds ikapedza iri pechipiri palogo ichitevera shasha dzePSL, Ngezi Platinum Stars iyo yakange yakavaisiya nezvibodzwa zvisere.

Matambiro ari kuita chikwata chake mwaka uno chikaramba chakadaro chine mukana wekuhwina mukombe wePSL.

Parizvino kubva pamitambo 10 yatambwa nezvikwata zvemuPSL, Manica Diamonds ndiyo yahwina kakawanda.

Highlanders, iyo iri kutungamira palog, yatamba mitambo 10 ndokuhwina mishanu, ikaita mangange kana uye ikazokundwa mumwechete.

Tapera anoti parizvino kutaura kuti mukombe wePSL uchaenda kupi zvinogona kunetsa.

“Munoziva chikwata chese kunyangwe chinopinda muPSL chinotodawo mukombe wePSL nekuti chapinda muligi hombe umo munenge muchirwirwa mukombe mukuru wenhabvu.

“Saka iye zvino inguva yekumboshanda tione kuti mitambo yedu tinosvika papi,” anodaro.

Svondo rino, Manica Diamonds ichange iri pamusha kuSakubva Stadium apo ichasangana nevakomana vatsva veBikita Minerals musi weSvondo.

Tapera anoti mutambo uyu hausi wekutarisira pasi nekuti Bikita Minerals iri kutamba nhabvu inodakadza mumwaka wayo wekutanga muPSL.

“Mutambo watakatarisana nawo svondo rino tinotofanirwa kushanda nesimba chaizvo nekuti Bikita Minerals iri kutamba zvinonwisa mvura saka tinofanirwa kunge takagwinya patichasangana nayo,” anodaro Tapera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey