Mukorokoza aitwa kafiramberi nevamwe vake

02 Jun, 2024 - 15:06 0 Views
Mukorokoza aitwa kafiramberi nevamwe vake Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 37 okuberekwa anova mukorokoza wekwaMambo Gwesela, kuZhombe akaitwa kafiramberi nemamwe makorokoza mana mushure mekutakwa nematombo uye kumucheka-cheka muviri wese nemapanga nemabhemba kusvikira afenda.

Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika panzvimbo yemabhizimisi yeSt Andrews Business Centre, kuZhombe nemusi wa24 Chivabvu nenguva dza5 zuva rodoka.

Vanoti Tichaona Chiremba (37) aiva panzvimbo yemabhizimisi yeSt Andrews apo anonzi akavingwa nevarume vanosanganisira Maibongo Ngwalati, Jerry Kwenya, Nathan Mdudusi naMdudusi Kwenya vanovawo makorokoza vachigara mumusha waSabhuku Lwisani kwaMambo Gwesela ndokutanga kumurwisa vachimukutsirana.

“Varume vana ava vakasvika kuna Tichaona Chiremba vachimupomera kuti akanga anetsana navo nekuda kwenyaya dzekuchera goridhe. Vakatanga kumutema nematombo achibva amboedza kutiza vakamudzingirira kusvikira vakanomubata pachinhambwe chemamita zana kubva panzvimbo yemabhizimisi iyi vachibva vamubaya nemapanga kakawanda muviri wese vachiita zvekudzidzana nemapanga erudzi rweColumbian Knives,” vanodaro Insp Mahoko.

Chiremba anonzi akadziuka maronda makuru muviri wese kubva mukutemwa nematombo uyewo nekuchekwa nemapanga aya.

“Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa Tichaona Chiremba achibva atakurwa kuendeswa kuchipatara cheZhombe Mission hospital uko ari kurapwa uye upenyu hwake huri pakaipa,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvakadai, mapurisa vari kutsvaga vanhu vanosanganisa Maibongo Ngwalati, Jerry Kwenya, Nathan Mdudusi naMdudusi Kwenya nenyaya yekuedza kuponda Chiremba.

Insp Mahoko vanokumbira kuruzhinji vanoziva kune varume ava kuti vabatsire nemashoko anoita kuti vasungwe apo vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 054 2221073 kana 0778 069 322.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey