Mukorokoza aponderwa goridhe

14 Sep, 2023 - 09:09 0 Views
Mukorokoza aponderwa goridhe Makorokoza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 19 okuberekwa anove mukorokoza wekwaChirumanzu anonzi akafa achiitwa zvekutemwa nematombo nevamwe varume vatanhatu vaida kucherawo goridhe mumugodhi waaichera neshamwari yake kuShurugwi.

Inspector Emmanuel Mahoko, mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, vanoti nyakupondwa uyu akasvikirwa nevarume ava aine shamwari yake ndokumanikidzwa kuti vabude mugomba mavaitsvaga goridhe.

“Murume akapondwa uyu ainzi Endrique Chakaitwa uyo aichera goridhe neshamwari yake, Mike Kagoro, vari mumugodhi weB4 kuWonderer kuShurugwi apo vakavingwa nevarume vatanhatu ndokuvataurira kuti vabude mugomba umu,” vanodaro Insp Mahoko.

Varume ava vanonzi vakasvika vachipotsera matombo vachivhundutsira vaviri ava kuti vabve panzvimbo iyi.

“Vaviri ava pavaiedza kutakura ivhu rekuti vazonosefa goridhe, varume vatanhatu ava vakatanga kuvapotsera matombo. Kagoro akakwanisa kutiza ndokusiya Chakaitwa kumashure uyo akazodzoka ndokuwana Chakaitwa achingova mugomba umu achigomera achiri kungorohwa nevarume vatanhatu ava achikumbira ruregerero izvo vaisatambira. Vakazomuregera vaona kuti aiva afenda ndokubva vatiza panzvimbo iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Mapurisa akazoenda ndokunoburitsa mutumbi waChakaitwa mugomba umu uyo waiva neronda guru pachirebvu.

“Tinokumbira kune veruzhinji vangangodaro vaine ruzivo nekuda kwenyaya iyi vazivise mapurisa kuti vakapara mhosva iyi vakwaniswe kusungwa vagoendeswa kumatare edzimhosva. Mhosva yekuponda ihuru munyika uye inoshevedza mutongo mukuru kuvapari vemhosva dzakadai,” vanodaro.

Mune imweyo nyaya, Insp Mahoko vanoti kune munhu aizvifambira nemugwagwa waMutasa kuMkoba 6, kuGweru, apo akaona mutumbi wemurume wakarara mukati medivi reropa.

“Mukuferefetwa kwenyaya iyi, mapurisa vakaona kuti akauraiwa uyu ndiNato Chikore (32) wekuMkoba 6 uyo mutumbi wake waiva nemavanga ekubaiwa nemapanga. Munyaya iyoyi tinokurudzira ruzhinji kuti vafambe kwakachena uyewo vakawanda kuitira kudzivirira tsaona dzakadai dzekurwiswa nemakororo,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey