Mukuru wechechi otongwa nechibharo

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Mukuru wechechi  otongwa nechibharo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MADZIBABA weimwe chechi yekuChitungwiza akakandwa mujeri nemhosva yekuda kubata chibharo musikana ane makore 18 okuberekwa uyo anopinda kereke yake uyo waakapfimba asi ndokurambwa.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Estere Chivasa, akapa Benvallence Dzumbunu (32) wepanhamba 12875 Unit N chirango chekugara mujeri kwemakore masere.

Akazomubvisira makore maviri pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.

Muchuchisi Trinity Nyandebvu akaudza dare kuti nomusi wa14 Chikumi munguva dzemangwanani, mumhan’ari aibva kuchechi apo akasangana naDzumbunu kuUnit L, kuChitungwiza kwekare.

Dzumbunu akabva akumbira kuperekedza mumhan’ari asi musikana uyu akaramba, iye ndokuramba achimutevera.

Vari munzira, akatanga kumupfimba pamwe nekumukumbira bonde asi ndokurambirwa.

Dzumbunu akashandisa chisimba ndokuedza kubata musikana uyu chibharo asi akapukunyuka ndokutiza.

Chipfeko chemusikana uyu icho chakabvarurwa naDzumbunu apo aiedza kumubhinya chakaburitswa mudare seumbowo.

Musikana uyu akazotumira mumwe waanonamata naye (zita tinaro) chinyorwa panhare achimutsanangurira tsekwende yaainge asangana nayo mumaoko aDzumbunu.

Mumhan’ari anoudza dare kuti, “Ini ndinopinda kereke yeJohanne Masowe kuUnit M. Ndinowanzofamba netsoka kubva kuChitungwiza ndichienda kwaSeke pedyo nekwaChihota saka pazuva iri madzibaba vakakumbira kundiperekedza netsoka ini ndikaramba. Vakaramba vachinditevera, tayambuka rwizi Nyatsime vakabva vatanga kundikanda mashoko erudo nekukundimbira bonde ini ndikaramba. Ndipo pavakashandisa chisimba vachida kundibata chibharo.”

Zvisinei nekuti Dzumbunu anorambisisa mhosva achiti akangoona musikana uyu munguva dzemangwanani uye pamwe pose apa akanga ari kumba nemudzimai wake, dare rakamubata nemhosva zvichitevera umbowo hwakamuroverera.

Dzumbunu akabatwa nemhosva yekuedza kubata chibharo (Attempted Rape As Defined in Section 65 as Read in Section 189 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23).

Dzumbunu akange akamirirwa negweta rake rekambani yeChiturumani & Zvavanoda Law Chambers iro raiti mumhan’ari aive munyepi uyo anoda kusvibisa zita nechechi yaDzumbunu.

Share This:

Sponsored Links