Mukuru wechikoro afa mota yawirwa nemuti

06 Jan, 2023 - 18:01 0 Views
Mukuru wechikoro afa mota yawirwa nemuti Mutumbi wemukuru wechikoro cheBare Primary School uri padivi pemotokari yakatsitsirirwa nezimuti

Kwayedza

Fungai Lupande ari kuBINDURA

MUKURU wechikoro cheBare Primary School, chiri kuChiweshe, kuMashonaland Central afira mumotokari yanga yakamira pasi pezimuti iro radonhedzwa nemhepo apo ange achigadzirira kuenda kurufu.

Ange aine mumwe mudzidzisi waaishanda naye uyo ari kurwira upenyu hwake muchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals mushure mekukuvara zvakaipisisa pachiitiko ichi.

VaWillard Masimba, vanova Provincial Civil Protection Focal person kudunhu reMashonaland Central vari zvakare mutevedzeri wemukuru weLocal Governance, vanoti izvi zvakaitika masikati eChina chino.

Vebazi reProvincial Civil Protection Unit vakamirira ruzivo pamusoro pemazita evanhu vakasangana nenjodzi iyi pamwe nezvimwe kuti vakwanise kupindira nerubatsiro.

“Headmistress vakanzwa mashoko erufu vachibva vakwereta motokari kune mumwe mudzidzisi wavo. Motokari iyi yakamiswa pasi pezimuti uye pavakanga vogadzirira kubuda kuti vachienda, zimuti iri rakabva ravadonhera, ivo ndokufira ipapo,” vanodaro.

“Mumwe mudzidzisi uyu akakuvara ndokumhanyiswa kuchipatara cheParirenyatwa uko anonzi ari kurwara zvakanyanya.”

Zvichitevera yambiro yeMeteorological Services Department (MSD) yekuti matunhu eMashonaland, Manicaland neMasvingo kuchanaya mvura inopfuura 60mm mukati mezuva, VaMasimba vanokurudzira vanhu vemudunhu iri kuti vagare vakangwarira.

“Masachigaro emakomiti anoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda anokurudzirwawo kuti afambise mashoko aya kuitira kuti vazivise veruzhinji vari munzvimbo dzavo kuburikidza nemadzishe, makanzura, nehutungamiri hwezvematongerwo enyika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey