Mukuru wechikoro akarikitwa

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

MUMWE mukuru wechikoro akazvindikitwa kunge nyoka yapinda mumba nemubereki mushure mekunge arova mwana wechikoro nezvibhakera.
Muchuchisi weChitungwiza Magistrates’ Courts, Taurai Chikuvadze akati nemusi wa21 Chivabvu gore rino, Costa Chikoto (22) akarova Gilbert Mishi, anova mukuru wechikoro cheRingu Secondary, mushure mekunge arova muzukuru wake, Hillery Dhwaibo, nezvibhakera nemambama apo aiita ruzha paaitaura ari mberi kwevana vechikoro.

Hillery akanoudza sekuru vake kuti ainge arohwa naMishi nezvibhakera izvo zvakasimudza hasha dzaChikoto, uyo akanorwisa Mishi pamba pake pachikoro ichi.

Mishi akaudza dare kuti musi uyu aidzinga vana vainge vasina kuuya neivhu rekukanyisa zvidhinha nezvigubhu zvemvura nokudaro Dhwaibo aive pakati pevamwe vainge vasingade zvekuuya nezvinhu zvinenge zvataurwa kuchikoro izvo zvakazoita kuti amurove nehasha.

“Vana vechikoro takavati vauye nevhu rekukanyisa zvidhinha nezvigubhu zvemvura sezvo ichinetsa pachikoro.

Vana vane misikanzwa zvatinongozivawo tose, nokudaro ndakati vasina vadzokere kumba vouya nevabereki Hillery ndokutanga kushevedzera zvaanoda. Saka nehasha ndakazomurova. Mushure menguva yakati kuti, ndakaona Chikoto ouya ndiri pamba pangu pachikoro ipapo ndokutanga kunditongesa kuti ndainge ndaroverei muzukuru wake rakabva rava bopoto ndikabva ndarohwa naChikoto zvakaipisisa ndokunomhan’ara kuti asungwe,” akadaro Mishi.

Chikoto haana kuramba mhosva yake achiti zvekuti mudzidzisi arove mwana nezvibhakera zvakamugumbura.

“Mukuru uyu kurova kwaakaita muzukuru wangu kwakandisvota, kurova nezvibhakera zvekuti mwana akasvika kumba asinganyatsogona kufema, hazviite. Handikurudzire zvakaitwa naHillery asi Mishi ane hutsinye hwekurova vana zvakaipisisa, hapana asingazvizive munharaunda medu.

“Handina mwana anombunyikidzwa pachikoro kurohwa zvibhakera. Ko shamhu dzakapera? Ndini nditori mubereki wake, ndini ndinomuchengeta,” akadaro Chikoto.

Mutongi Lazarus Murendo akati vana vanokosha, vanoda kudzidziswa nerudo asiwo havafanire kuti vaite hunhu hwehunhubu pachikoro vachiti vanozopotera kumatare.

Chikoto akanzi hunhu hwaakaita hwekunorova mukuru wechikoro hunokurudzira vana kuita misikanzwa uye kana pane zvinenge zvanetsa vanhu ngavataurirane zvakanaka kwete kuita mhirizhonga ndokunzi abvise faindi yeUS$60 kana kukandwa mujeri kwemazuva 20.

Share This:

Sponsored Links