Kingstone Mapupu
MUKUWASHA anonzi akatema-tema tezvara pamwe nemudzimai wake nedemo zvekuvaita kafiramberi kwaSabhuku Karikoga, kwaMambo Sahi, kuGokwe, mushure mekunge anetsana nemukadzi uyo akanopotera kumba kwevabereki vake.
Matare Karikoga (46) anonzi akanetsana nemudzimai wake, Mailet Chikwiko (27) nemusi wa19 Nyamavhuvhu, mukadzi ndokutakura mbatya dzake achibva adzokera kumba kwevabereki vake.
Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nemusi wa20 Nyamavhuvhu nenguva dza1 mambakwedza, Matare akazotevera mudzimai wake kumba kwevabereki vake.
Anonzi akasvika ndokunovhura nechisimba gonhi remumba maive murere mudzimai wake achibva amutema nedemo mumusoro kakawanda nemuviri wese.
“Baba vaMailet – VaSolomon Chikwiko (72) – avo vainge varere, vakazonzwa ruzha rwekuchema kwemwanasikana wavo achishevedzera kubatsirwa vachibva vamhanya kumba kwake. Vakasvikawo vachitemwa nedemo mumusoro.
“Mukuwasha uyu akaramba achitema vatezvara ava kakawanda mumusoro nemumaoko. Akazoregera vatezvara ava ndokudzokera kunotema mudzimai wake nedanda kakawanda muviri wese,” vanodaro Insp Mahoko.
Mukuwasha uyu akabva atiza apo akaona kuti akanga akuvadza tezvara vake nemudzimai ndokuenda kusina anoziva nekudaro ari kutsvagwa nemapurisa nemaziso matsvuku.
“VaSolomon Chikwiko nemwanasikana wavo Mailet Chikwiko vakazotakurwa ndokuendeswa kuchipatara cheGokwe District Hospital uko vari kurapwa uye upenyu hwavo huri parumananzombe. Semapurisa, tiri kutsvaga murume anonzi Matare Karikoga nenyaya yekukuvadza nekuedza kuponda,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoyambira ruzhinji kuti vasiyane nemhirizhonga uye kana paine zvinonetsa votsvaga vayananisi semadzishe, mapurisa kana mafundisi.
“Kune vanoda kubatsira nemashoko mukufeewa kwenyaya iyi kuti Matare Karikoga asungwe, vanogona kuridza nhare dzinoti 054 2221073 kana 0778 069 322. Igaroziva kuti munhu akapara mhosva anosungwa chete,” vanodaro Insp Mahoko.