Uncategorized

Mukuwasha akarova ambuya . . .Adyiswa muswe wedzvinyu

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Mukuwasha akarova ambuya . . .Adyiswa muswe wedzvinyu

Kwayedza

Sukoluhle Ndlovu ari kuZVISHAVANE
MURUME wekuZvishavane anonzi akamuka chibhebhenenga, ndokuzvambaradza ambuya vake, amai vemudzimai wake, achivapomera kuti ndivo vakange vapa mwanasikana wavo mupfuhwira wemuswe wedzvinyu uyo akaona uri muchikafu chaaidya.

Dickson Chatsauka (34), uyo anogara mubhuku raWhande, kwaSadunhu Matenda, anonzi akarikita ambuya vake, Sarah Hadebe (71), achivapomera kuti ndivo vakange vafurira mudzimai wake kuti amuisire mupfuhwira wemuswe wedzvinyu muchikafu chaakange amubikira.

Mumwe anoziva nezvenyaya iyi, Ndabenhle Sibanda, anoti Chatsauka akange aenda kumafaro neshamwari yake apo akazodzoka husiku.

“Chatsauka akadzoka kubva kuMatenda Growth Point achibva apihwa kudya kwemanheru nemudzimai wake. Ari pakati pekudya, akabva aona muswe wedzvinyu uri muusavi hwaive mundiro,” anodaro Sibanda.

Anoenderera mberi achiti, “Akabva abvunzurudza mudzimai wake pamusoro penyaya iyi asi haana kumupa mhinduro yakamugutsa. Chatsauka akatyisidzira mudzimai wake achiti aida kumuuraya zvikaita kuti mukadzi wake amuudze kuti amai vake ndivo vainge vamuudza kuti ashandise muswe wedzvinyu vachiti mupfuhwira wakasimba, uye unoshanda.”

Chatsauka anonzi akabva aenda kumba kwaambuya vake achitutuma nehasha, ndokusvikovarikita achishandisa shamu ine tsarapu iyo akatyora pamumwe muti. “Apa ainge akashatirwa zvikuru, akabva aenda kumba kwanatezvara vake husiku ihwohwo, ndokusvikobvunzurudza ambuya vake pamusoro penyaya iyi. Pakaita kukakavadzana apo Chatsauka akazorova ambuya vake kakawanda kumeso kwavo neshamhu ine tsarapu.  “Akazodziviswa nevavakidzani avo vakange vanzwa Hadebe achibongomora mhere achishevedzera veruzhinji kuti vamununure,” anodaro Sibanda.

Chatsauka akazomiswa mudare raMambo Masunda nekuda kwenyaya iyi.

Mambo Masunda vanoti nyaya iyi ichiri kuenderera mberi nekutongwa.

“Ndakatumira Chatsauka masamanisi mushure mekunge ndanzwa kuti ainge arova ambuya vake. Mushure mekunge ndanzwa divi rake, ndakatumirawo masamanisi kuna ambuya vake nemudzimai wake uye handisati ndanzwa mativi avo pamusoro penyaya iyi,” vanodaro Mambo Masunda.

Kune vanhu vanoti muswe wedzvinyu — kunyanya riya rinonzi chipotanemadziro — unosevenzeswa semupfuhwira uyo unoshanda mukupfavisa varume kana vakadzi mukugarisana.

Share This:

Sponsored Links