Mukuwasha arikita tezvara paKirisimasi . . . zvose nemwanasikana wavo, nehuku

31 Dec, 2022 - 14:12 0 Views
Mukuwasha arikita tezvara paKirisimasi    . . . zvose nemwanasikana wavo, nehuku Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURUME wekuMvuma, kudunhu reMidlands, akapa tezvara vake “Kirisimasi box” ine musiyano apo akavazvambaradza kuvarova zvose nemudzimai wake, ndokupisa dzimba mbiri dzehuswa nedanga rehuku, mushure mekunge varamba kumukupa muripo wake weUS$10 000 wekushanda kwaakaita pamusha pavo.

Gladys Munda (26) nababa vake VaSimon Munda (49) vanonzi vakapona nepaburi retsono mushure mekunge Gilbert Nzwanda (27) avarwisa pamba pavo mubhuku raChiodza.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi weChishanu chadarika.

Vanoti Nzwanda akabva atiza mushure mekupara mhosva iyi uye ari kutsvagwa nemapurisa.

“Ndinotsinhira kuti tiri kuferefeta nyaya yekuedza kuponda yaGilbert Nzwanda wemumusha waChiodza, kuMvuma, uyo ari kutiza mapurisa,” vanodaro Insp Mahoko.

Gladys Munda anonzi aive kumba kwevabereki vake nababa vake VaMunda apo Nzwanda akasvika kwavari achida kupihwa US$10 000 natezvara vake semuripo wekushanda kwaanonzi akaita panguva yaaigara pamusha pavo.

“Kukakavadzana kwakazovapo mushure mekunge tezvara vemurume uyu varamba zvaaida. Nzwanda akazvomora zibanga remachete mubhurugwa make ndokurova naro mudzimai wake,” vanodaro Insp Mahoko.

VaMunda pavakaedza kurambidza mukuwasha wavo kuti asaramba achikuvadza mudzimai wake, Nzwanda achibva avarova mumusoro.

Insp Mahoko vanoti VaNicholas Mawire (45) vemumusha waUtah, kuMvuma kwakare, avo vaipfuura nepanzvimbo iyi, vakaona Nzwanda achirwisa VaMunda.

Vakamhanyira pamusha uyu ndokuedza kurandutsira, asi Nzwanda akatanga kuvarwisawo.

Nzwanda akarova VaMawire padama nemuhuro achishandisa machete iyi.

Zvisinei, VaMawire vakazokwanisa kukurira Nzwanda ndokumutorera zibanga raaiva naro apo akazomhanyira muimba yekubikira, ndokutora chitanda chaibvira moto achibva atungidza dzimba mbiri dzehuswa pamwe nedanga rehuku.

Gladys Munda nababa vake pamwe chete naVaMawire vakabva vapunyuka ndokutiza.

Insp Mahoko vanoti vatatu ava vari kurapwa muchipatara cheMvuma District Hospital.

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa achibva aenda panzvimbo iyi. Bangas rakashandiswa pakupara mhosva iyi rakawanikwa uye vatatu ava vakaendeswa kuchipatara cheMvuma District Hospital uko vari kurapwa,” vanodaro.

“Murume uyu achiri kutsvagwa uye tiri kukumbira veruzhinji vane ruzivo nekwaari kuti vatibatsire kuti asungwe.”

Share This:

Sponsored Links