Uncategorized

Mukuwasha arikitwa natezvara . . . avapindira mavanorara naambuya

09 May, 2022 - 17:05 0 Views
Mukuwasha arikitwa natezvara   . . . avapindira mavanorara naambuya Lloyd Kadogwa

Kwayedza

Arron Nyamayaro

MUKURU wechikoro cheKid Oasis Junior School anonzi akarikitwa nanavatezvara vake nemusi weChitatu chadarika apo akapinda muimba yavanorara achiti anoda kudzoserwa roora rake raakabhadhara mugore ra1997.

Lloyd Kadogwa anonzi akabva kuDema kwaSeke, ndokuenda kuBudiriro, muguta reHarare, achiti anoda roora raakabhadhara kuna vatezvara vake, Patrick Rombero.

Zvisinei, anonzi akazozvambaradzwa nehanzvadzi dzemudzimai wake dzinoti Tedious naJulius.
Kadogwa ndiye mukuru wechikoro cheKid Oasis Junior School.

Murume uyu, uyo ane vana vana (4), akaita mukurumbira nguva yadarika apo akadzinga mudzimai wake, Barbara Kadogwa pamba uye ndokumubvisa pachinzvimbo chekuva mumwe wemadirectors eKid Oasis Junior School.

Patrick-Rombero naBarbara-Kadogwa

“Mukasandipa pfuma yangu yandakabvisa yose nhasi munondiona,” Kadogwa anonzwikwa achidaro.
Anonzi akashandisa shamhu kurova vatezvara vake zvose nemudzimai wavo.

Mheremhere iyi inonzi yakaita kuti vavakidzani vatezvara vake vaungane vachida kuona zvaiitika apo pakazopindira Tedious naJulius ndokurova mukuwasha wavo.

Mushure mekurova Kadogwa, Tedious naJulius vakasungwa uye ndokuchengetwa pakamba yepaBudiriro Police Station.

Vari kutarisirwa kupinda mumatare edzimhosva.

Mbuya Rombero vanoti vakashaya pekupinda nekuda kwezvakaitwa nemukuwasha wavo.

“Lloyd akandinyadzisa, akarova murume wangu mushure mekumupindira muimba yekurara achiti anoda roora rake iro akabhadhara karekare,” vanodaro Mbuya Rombero.

“Mwana wangu akamuberekera vana vana.
“Mwanasikana wangu akamubvisa mazino maviri akavhara nzeve dzake nekumurova asi akaramba anaye, asi nhasi uno unondifumura ini!

“Anofanirwa kuuya kuzokumbira ruregerero nekutadza kwaakaita kwete kunonyepa kumapurisa kuti akabirwa foni yake uye kuti akarohwa asi ari iye akatidenha.

“Anofanirwa zvakare kutiudza chikonzero chakaita kuti abve kuDema achiuya kuBudiriro kuzondinyadzisa pamwe nemurume wangu,” vanodaro ambuya ava.

Barbara anoti Kadogwa akagumbuka mushure mekunge iye anyoresa zviri pamutemo chikoro chake chitsva chakazvimiririra.

“Ndini ndakanyoresa chikoro ichi apo Lloyd aitsvaga makasitoma pachiteshi chinokwirirwa makombi muguta.
“Ndakamuti auye kuzoshanda neni semumwe wemadirectors asi akazodya mari neshamwarikadzi dzake zvikaita kuti andibvise ndisawane chekuita nezvekufambiswa kwebasa pachikoro ichi.

“Akandishungurudza nekundirova uye pandakavhura chimwe chikoro, haana kufara nazvo nekuti vabereki vakabva vabvisa vana vachivaunza kuchikoro chitsva ichi.

“Ndakabudirira zvakare kupihwa gwaro redziviriro kudare uye izvi pamwe ndizvo zvakaita kuti arwise vabereki vangu,” anodaro.

Kadogwa anoramba kutaura nemunyori uno achiti nyaya yake yave mumaoko memapurisa.

Share This:

Sponsored Links