Mukuwasha odashura tezvara

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Mukuwasha odashura tezvara

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MURUME anogara kuKuwadzana, muHarare — uyo anorwara nepfungwa — anoti hanzvadzi yake inobatsirana nemurume wayo kumurova.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Mary Tsingano akamhan’arira Shingirirai Tsingano achida gwaro redziviriro.

Mary anoti anoda kuti dare rimubatsire zvakare kuti Shingirirai abve pamba pevabereki vavo.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Mary gwaro rinomudzivirira asi akati hazvigone kuti dare rimise Shingirirai kusvika pamba pevabereki vake sezvo ari mwana akangofanana naiye.

“Hanzvadzi yangu anonetsa changamire, tatadza kugarisana naye ini nevamwe vana pamba pevabereki vedu. Anondirwisa nezvinokuvadza uye kupwanya midziyo yepamusha nekudaro ndinoda kuti dare rimurambidze kusvikapo,” anodaro Mary.

Anoti pakafa vabereki vavo, akakumbirwa nehama kuti adzoke pamba apa kuzogara achichengeta vana vakange vasiiwa asi zviri kuratidza kuti hanzvadzi yake haina kuzvigamuchira kana kuzvifarira.

“Ini nemurume wangu takauya kuzogara pamba takumbirwa nehama sezvo vana vakange vasisina muchengeti uye takawedzeresa makamuri emba nekugadzirisa zvakange zvakafa kuti pagarike asi nhasi Shingirirai ave kuti tibve nemurume wangu,” anodaro.

Shingirirai anoti hanzvadzi yake inonyara naye sezvo achirwara nepfungwa nekudaro zvose zvaari kutaura kuda kumukaurisa chete.

“Vanhu ava vanotonyara neni, havatodi kana kufamba neni kana kuzivikanwa kuti ndiri mukoma wavo.

“Asi nditori munhu akangofanana naivo sezvo mishonga yangu ndichitora zvakanaka, zvakare ndinotova nemhuri,” anodaro Shingirirai.

Anoti chiri kunyanya kumurwadza inhau yekuti iye ari kugara musango, mukuwasha achitonga pamba pevabereki vavo. “Inini ndiri kushupika nehuroja ndisingasevenzi asi mutorwa achidya nhaka yevabereki vangu.

“Murume wehanzvadzi yangu uyu anotondirova vose nemukadzi wake zvekuti neimwe nguva vakambondidira bota rinopisa uye hapana kana sendi ravakandipa rekurapwa,” anodaro Shingirirai.

Mary anoti hanzvadzi yake anoida uye ndiye anomurapisa nekumutengera mishonga.

“Anonyepa uyu, ndingavenga munhu wandinochengeta nekurapisa sei? Murume wangu haagone kundisiya ndichirohwa, anotorandutsira kuti nyaya ipere,” anodaro.

Anoti dambudziko ravapo nderekuti mudzimai waShingirirai anopota achitaura manyepo kumurume wake ezvinosara zvichiitika pamba asipo izvo zvinozokonzera kuti vagare vachinetsana.

Share This:

Sponsored Links