‘Mumakoreji mune kumbunyikidzwa’

15 Mar, 2021 - 11:03 0 Views
‘Mumakoreji mune  kumbunyikidzwa’ Vadzidzi vemakoreji vaiva pamusangano wemuHarare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZI) rakabatana neHurumende kuburikidza nePublic Service Commission ndokuita musangano nevadzidzi nedzimwe nhengo dzedzidzo yepamusoro vachinzvera nyaya dzemhirizhonga dzinowanikwa muchikamu chedzidzo yepamusoro.

Chirongwa ichi chine donzvo rekuti paumbwe gwaro richashandiswa mukurwisa nyaya idzi muzvikoro zvose munyika, reNational Sexual Harassment Policy, uye chakaitirwa muHarare nemusi weChishanu chikapindwa nevadzidzi vekumakoreji anofundisa varairidzi.

Gwaro iri richashanda muzvikamu zvedzidzo zvinosanganisira makoreji anofudzisa varairidzi, makoreji anofundisa mabasa emaoko (vocational training centres) uye mapolytechnical colleges.

Vachitaura, VaClifton Dawanyi – avo vanova project officer kuECOZI – vanoti mumakore adarika, bazi redzidzo yepamusoro ranga richishanda risina gwaro reNational Sexual Harrasment Policy izvo zvaiona nyaya dzekumbudzikidzwa kwevanasikana nemadzimai kunyanya dzichiwanda.

“Takaona zvakakosha kuti vanasikana nemadzimai vave ivo vari pamberi mukuunza pfungwa dzavo pamusoro pemhirizhonga dziri kuitika muzvikoro pamwe nekuvasimudzira kuti vave neruzivo kuti nyaya idzi dzakamira sei kuitira kuti kana dzichinge dzaitika kwavari, vanokwanisa kudzimhan’ara. Vapari vemhosva idzi zvekare vanoda kuwaniswa ruzivo kuti vatambe vachiziva pekugumira nekuti dzimwe dzacho dzine mugumo ejeri kana zvirango zvavanopihwa pamabasa,” vanodaro VaDawayi.

Zvakaonekwa zvekare kuti kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kwakawedzera urombo kuvadzidzi apo vabereki nevamwe vaimbovatsigira vakarasikirwa nemari munguva yelockdown izvo zvakaita kuti vamwe vadzidzi vaende kuchikoro vasina zvinovakwanira zvichibva zvavaisa panyatwa yekumbunyikidzwa.

VaJacob Gonese – vanova chief director human resources development uye vainge vakamirira munyori mukuru webazi redzidzo yepamusoro nekusimudzirwa kweruzivo rwechizvino-zvino, Professor Fanuel Tagwira – vanoti nzara neurombo ndizvo zvimwe zvinoita kuti vadzidzi kana vadzidzisi vambunyikidzwe muzvikoro.

“Tinoti dai vana vawaniswa mari dziya dzatinoti magrant kuitira kuti vabatsirike nekuti vamwe vanovambunyikidza vanotora mukana weurombo zvinoita kuti nyaya idzi dzisazobuda pachena,” vanodaro.

Amai Jannet Mugabe, vanova mukuru kuchikamu cheHealth and Life Skills kuMadziwa Teacher’s College vari zvekare mupangi wemazano, vanoti kana varumewo vanosangana nemhirizhonga kubva kumadzimai kana kune vamwe varume, saka zvinoda mushandirapamwe.

Vamwe vevadzidzi vemakoreji vanotsanangura nezvemhirizhinga dzinosanganikwa nadzo.

“Chinonetsa ndechekuti nyakumbunyikidzwa anenge achipihwa mari, zvipfeko, kudya nezvimwe izvo zvinoita kuti anyarare. Kumbunyikidza munhu kunogona kukanganisa utano hwake apo anoita BP kana kuzopedzisira azvisungirira. Vamwe vana vanosiira chikoro panzira kana kudofora,” anodaro Noreen Mapfuku uyo ari kuita zvidzidzo zveEngineering paMasvingo Polytechnic College.

Patricia Magumise wekuGweru Polytechnic anoti chirwere cheCovid-19 chakawedzera kumbunyikidzwa kwevana muzvikoro.

“Isu vanasikana nemadzimai tinombunyikidzawo varume tichitsvaga chouviri nekuti vabereki vakaomerwa munguva ino yeCovid-19, vamwe vakatorasikirwa nemabasa izvo zvava kuita kuti vana vasawane zvinovakwanira. Vanasikana vanogona kugarira pamakumbo evarume nekuda kwekunetsa kwezvekufambisa voguma vambunyikidzwa kana kumbunyikidza varume vacho.

“Tinochema kuHurumende nevamwe vatsigiri kuti vapindire panyaya yehurombo mukakoreji. Mari dzataisipihwa hadzisati dzauya,” anodaro.

Kuchiti Precious Gombakomba wekuMutare Teacher’s Collenge anoti munhu wose ane mukana wekumbunyikidzwa zvisinei nekuti mudzimai kana murume nekudaro kuuya kwegwaro rinorwisa mhirizhonga kuchabatsira.

Share This:

Sponsored Links