Mumhuri munofiwa musi wa4

21 May, 2022 - 11:05 0 Views
Mumhuri munofiwa musi wa4 Evans naSilence Mutsago

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MURUME ane makore 97 ekuberekwa pamwe nemwanakomana wake vekwaMambo Marange, kwaMutare vachenurwa panyaya dzehuroyi idzo vaipomerwa vachinzi vari kukonzera kufa kwevanhu vemumhuri yavo.

Sekuru Timothy Mutsago nemwana wavo Blessing Mutsago, uyo anogara kuHarare, vachenurwa nedare raMambo Marange mushure mekunge zvaonekwa kuti ndufu nhatu dzakaitika mumhuri yavo munguva pfupi yadarika dzainge dzisina kukonzerwa naivo.

Magwaro ekwachiremba ekuongororwa kwemitumbi yevatatu ava vanoti Nokuthula Ncube (21) naamai vake Future Mutsago uye Shadreck Mutsago akaratidza kuti vakashaya nehumwe hurwere kwete kuroyiwa.

Zvisinei, vanakomana vaviri vaSekuru Mutsago vanoti Evans naSilence vanoramba vachingoti baba vavo nemukoma wavo ndivo vari kukonzera rufu mumhuri.

Silence anoti n’anga yavakashanyira yakavaudza kuti baba vavo ndivo vane nyoka iri kuvasveta ropa.

Anoti n’anga iyi yakatomuudza kuti pari zvino ndiye ari pachijana chekuuraiwa nenyoka iyi kana pakasava nechinoitwa mukumudzivirira.

“Ndakaudzwa kuti ndichafa pane ipi zvayo nguva saka ndava kurarama ndiri mukutya. Rufu urwu rwaifanira kuitika musi wa4 wemwedzi woga-woga asi takarwushaisa simba sezvo takafumura zvose zvaifanira kunge zvichiitika,” anodaro Silence.

“Hadzvadzi yangu nemwanasikana wavo, hongu vakanga vasiri kunzwa zvakanaka, asi zvinhu zvinongotyisa kuti sei vakazoshaya nemusi wa4 mwedzi yakatevedzana. Nokuthula akashaya musi wa4 Mbudzi, Future musi wa4 Zvita, sekuru vedu 4 Ndira,” anodaro Silence.

Mushakabvu Future Mutsago ari muchipatara

Evans anoti amai vake vari kurwara zvikuru nekudaro ari kutotyira kuti vanogona kufa pane ipi zvayo nguva.

“Amai vedu vari kurwara uye vari kuratidza kuti vakabatwa nechirwere chiri kungobata vanhu vemumhuri medu vachizoguma vashaya. Vasati vashaya, vanhu vemumhuri medu vanotanga varidza mhere vachidaidzira kuti pane munhu ari kuvabaya pamwoyo zvinova zviri kuita amai vedu pari zvino.

“Vari kurwara, vari panhowo vachigara naBlessing kuHarare uye vari kutotyira upenyu hwavo,” anodaro Evans.

Achitaura panhare, Blessing anoti anotenda kuti vakachenurwa nen’anga padare raMambo Marange.

“Ndini ndiri kupepa amai vangu vakaoma mutezo uye ndiri kuvarapisa asi zvinotoshamisa kuti ndava kupomerwa mhosva dzeuroyi pane kuti vanditende vava kutosvibisa zita rangu, zvinorwadza,” anodaro.

“Tine mavhidhiyo ehanzvadzi yedu Future akashaya vachiti akanga asiri kunzwa zvakanaka panguva iyo vaive kuSouth Africa.

Akapihwa mubhedha ari ikoko saka paakazouya kuno akaenda kurufu rwemwana wake mumwedzi waMbudzi. Silence naEvans pavakaona kuti ari kurwara vakabva vaenda naye kun’anga pachinzvimbo chekuti vaende naFuture kuchipatara kunova kwavakaudzwa kuti kune hushereketwa huri kuitwa mumhuri,” anodaro Blessing.

“Zvisinei, baba neni takabva tanzi tisu varoyi saka ndinofara zvikuru kuti takachenurwa nedare zvisinei nekuti ivo vari kuramba vachingomira nerekuti tisu vanamuparazvongo,” anodaro.

Anoti Evans naSilence vanotori nemhosva dzekuba mombe sezvo vachinzi vakatora mombe dzababa vavo zvisiri pamutemo vakatengesa.

Vaviri ava vanotsinhira kuti vane nyaya dzekuba mombe idzo dzichiri kuenderera mberi kudare reMutare Magistrate’s Court uye vakapihwa bhera.

Share This:

Sponsored Links