Mochari yabirwa midziyo inoiswa zvitunha

25 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Mochari yabirwa midziyo inoiswa zvitunha Midziyo yemumochari

Kwayedza

Ray Bande

MATIREYI 29 esimbi emhando ye’stainless steel’ anoiswa zvitunha akatsakatika panguva iyo mochari iri kuvandudzwa pachipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital, kwaMutare, zvinova zvingangodzorera kumashure basa riri kuitwa ipapo.

Tsvakurudzo yakaitwa nemunyori uno padandemutande inoratidza kuti matireyi akabiwa aya anokosha mari inosvika US$10 000.

Anoona nezvekudyidzana neveruzhinji pachipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital, Mai Faustina Mutasa, vanotsinhira nezvekubiwa kwematireyi emumochari vachiti vakamhan’ara kumapurisa.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa kuti vatibatsire nekuferefeta. Chikonzero chehumbavha uhwu hachizivikanwi,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, havana kukwanisa kutsinhira kana kuramba kuti vakatambira gwaro riri pamusoro penyaya iyi.

Vanosimbisisa kuti havasati vakwanisa kuwana pane gwaro iri.

Munyori uno anonzwisisa kuti zuva chairo rakabiwa matireyi aya harizivikanwe sezvo kutsakatika kwezvinhu kwakazoonekwa zororo reKisimusi risati rasvika.

Pane fungidziro yekuti humbavha uhu hunogona kunge hwakaitwa nevamwe vepachipatara ichi kana pachitariswa kukura kwakaita matireyi aya uye huwandu hweakabiwa.

Ongororo yakaitwa nemunyori uno, inosanganisira vashandi vepachipatara ichi, inoratidza kuti kubiwa kwematireyi emumochari aya ibasa rakaitwa nevamwe vepachipatara ichochi.

Pane fungidziro huru yekuti matireyi aya anogona kunge akatoendeswa kune vanhu vanogadzira mapoto nemimwe midziyo nevakaaba.

Kuvandudzwa kwemochari yechipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital kuri kuenderera mberi sezvo mochari yekare yaikwanisa kutakura mitumbi gumi chete panguva imwe chete.

Kushaikwa kwematireyi aya kunotevera zvakare kubiwa kwakaitwa mushonga unopomhodza marawadzo (30 vials dze’pethidine’) nguva pfupi yadarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>