Mumwezve mwana (9) amitiswa

18 Nov, 2022 - 18:11 0 Views
Mumwezve mwana (9) amitiswa Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Fungai Lupande

MWANA musikana ane makore mapfumbamwe okuberekwa wepane rimwe purazi rekuBindura ane pamuviri pava nemwedzi mitanhatu mushure mekubatwa chibharo nevakoma vaviri vane makore 17 ekuzvarwa vepapurazi rimwe chete iri.

Mwana uyu ari kuita Grade 3 uye akatoendeswa kuchipatara cheBindura Provincial Hospital uko ari kubatsirwa nevebazi reSocial Welfare.

Aigara nehanzvadzi yake iri Grade 5 zvichitevera kuparadzana kwevabereki vavo apo pakazosara mwana uyu ava kushungurudzwa nenzira yechibharo nevaviri vari kupomerwa mhosva iyi.

Vasungwa vaviri ava vari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Mwana uyu akaendeswa kuchipatara cheBindura nemudzidzisi wake wepaKambira Primary School mushure mekunge aramba achichema-chema nekurwadziwa nemudumbu vachibva vaona kuti muviri wake wainge uri kuita shanduko.

Nyaya iyi inokatyamadza uye inotevera imwe zvekare yakaitika kuTsholotsho uko kune mumwe mwanasikana ane makore mapfumbamwe okuberekwa uyo akabara mwana musikana svondo rino muchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals mushure mekubatwa chibharo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya yekusungwa kwevakomana vaviri vechidiki vanofungidzirwa kuti ndivo vakabata chibharo mwanasikana wekuBindura.

“Tiri kuferefeta nyaya yemwana ane makore mapfumbamwe anonzi akabatwa chibharo nevakomana vaviri vane makore 17 ekuberekwa pane rimwe purazi kuBindura uye ane pamuviri pemwedzi mitanhatu. Izvi zvinorwadza uye mapurisa ari kuita ongororo,” vanodaro.

Dr Admire Murongazvombo vanova provincial medical director mudunhu reMashonaland Central vanoti musikana uyu ari kuita zvakanaka muutano hwake uye chikwata chavanachiremba chiri kushanda pamwe chete nevebazi reSocial Welfare mukumubatsira.

“Tiri kushanda pamwe nebazi reSocial Welfare kuti mwana uyu abatsirikane,” vanodaro.

“Hongu, takagamuchira nyaya yemwana ane makore 9 ekuberekwa uyo anonzi akabatwa chibharo nevakomana vaviri vane makore 17 okuberekwa yatiri kuongorora. Mwana uyu ari kuita zviri nani uye akachengetedzeka saka tinoda kuti agare ari padyo nechipatara kuti ange achibatsirwa.”

Dr Murongazvombo vanoti aka ndekekutanga pachipatara cheBindura kuita nyaya yemhando iyi.

Vanoti amai vemwana uyu havapo nokudaro angangozosarudzirwa kwekuendeswa kuti anochengetwa zvakanaka.

“Achine mwedzi yakati wandei yasara kuti abare uye atova nachiremba wechikadzi uyo akakurudzira kuti asununguke kuburikidza nenzira yekuvhiiwa,” vanodaro Dr Murongazvombo.

Munyori mukuru weProvincial Affairs and Devolution mudunhu reMashonaland Central, VaTimothy Maregere, vanoti vakatambira nyaya yemwana uyu iyo yakavatyisa zvikuru.

“Ari kuchipatara cheBindura achichengetwa nemasocial workers. Nyaya iri kumapurisa avo vanozopa mamwe mashoko,” vanodaro.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mwanasikana uyu aigara kuChesa nevabereki ava vasati vaparadzana zvichitevera kupomerana nyaya dzehuroyi apo mwana uyu akatanga kutevera.

Amai vake vanonzi vakabva vatama nevana vaviri ava ndokunogara kune rimwe purazi uko vakanotsvagira mwana uyu rubatsiro rwemweya kubva kune mumwe muporofita wechikadzi weko uyo ane mwana mukomana nemumwe mwanakoma wemurume wake.

Zvinonzi mwanakomana wemurume wemukadzi uyu akabata chibharo mwana uyu ndokuzivisa munin’ina wake uyo akazomubatawo chibharo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>