Uncategorized

Mumwezve mwana oshaikwa

15 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Mumwezve mwana oshaikwa Mbuya Fortune Maphosa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUNE mumwezve mwana anonzi akashayika zvakare kudunhu raMangwende, kwaMurehwa.

Izvi zvinotevera kupondwa kwemumwezve mwana mwedzi wapera, Tapiwa Makore (7), uyo ane mutumbi wakazonhongwa asi wakabviswa musoro, maoko nemakumbo.

Musoro wemwana uyu zvose nemaoko hazvisati zvawanikwa uye mapurisa vanoti vari kuvhima imwe n’anga nenyaya iyi.

Pane varume vaviri vakatosungwa nenyaya yekupondwa kwaTapiwa.

Mumwezve mwana, Wengai Gukwe (12), wemubhuku raTsiga, ikoko kwaMurehwa, anonzi zvakare haasi kuonekwa mushure mekungotsakatika pamusha paange achigara naambuya vake munaNyamavhuvhu. 

Mbuya Fortune Maphosa (69) vanoti muzukuru wavo akaenda kunotsvaga mombe, ndokuuya nadzo akadzivharira mudanga.

“Muzukuru Wengai ndaigara naye pano sezvo anga asingaende kuchikoro. Baba vake havagare kuno uyewo amai vake vanogarawo kwavo.

“Nemusi wa15 Nyamavhuvhu, mwana uyu akanotsvaga mombe, ndokusvika nguva dzkuma6 manheru asati adzoka. Ndakazotuma mwana wangu gotwe kunomutsvaga apo akazomuwana ave kupfigira mombe akamusiya achipedzisa kudzivharira,” vanodaro Mbuya Maphosa.

 

Musha waigara mwana. — Mifananidzo naKudakwashe Hunda

Vanoti kubva ipapo, mwana uyu anonzi akabva aenda kudzimba dzevavakidzani kunotamba uko asina kuzodzoka kusvikira vakazotanga kumutsvaga asi vakamushaya.

“Takamutsvaga tikaenda kumba kwevavakidzani uko ainzi aitamba tikamushaya. Kune kumwe kwatakazoenda mangwanani ezuva rakatevera tikanzwa mashoko ekunzi akambenge aonekwa musi uyu achinzi akataurirwa kuti aende kumba. Kubva ipapo, hatina kuzomboona mwana uyu kusvika nanhasi.

“Tava kutya nekuda kwenyaya dzekupondwa kwevana muno maMurehwa uye nezera rake zvave kutyisa kuti kana ari mupenyu, ari kupi uye achigara nani?” vanodaro.

“Ini zvandiomera, handichaziva chekuita. Ndakamhan’ara nyaya iyi kuZRP kwaMurehwa uko ndakavapa mufananidzo wemwana uyu saka ndangomirira zvichabuda,” vanodaro Gogo Maphosa.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro enyaya iyi.

Mbuya Maphosa vanoti pavanofamba, vanongonzwa mashoko ekuti muzukuru wavo akaonekwa kunzvimbo inonzi kwaChidhakwa iri mekare mudunhu ravo.

Pakanhongwa mutumbi waTapiwa makore, pakawanikwawo musoro unonzi hausi wake zvisinei nekuti hausati wazivikanwa kuti ndewaani.

Share This:

Sponsored Links