Munetsi ari kupisa

01 Mar, 2023 - 09:03 0 Views
Munetsi ari kupisa

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI weStade de Reims nemaWarriors – Marshall Munetsi – ari kupisa kuFrance zvichitevera kunwisa kwaakaita zvekare apo chikwata chake chakakunda cheToulouse 3-0 svondo radarika.

Munetsi akanwisa mutambo uyu watambwa mamitsi manomwe muchikamu chekutanga (first half) chikwata chake ndokutungamira 2-0. Junya Ito anotamba pamwe chete naMunetsi ndiye ainge atanga kunwisa mutambo uyu watambwa maminitsi mana.

Kusvika pari zvino mwaka uno, Munetsi mumitambo 21 yaatamba yemuLigue 1 akwanisa kunwisa kashanu uye kuchikwata chake ndiye wechipiri anwisa kakawanda.

Folarin Balogun ndiye ari kutungamira pakunwisa kuReims izvo zvamuona achizunza mambure ka15 uye anoteverwa naMunetsi pamwe chete naIto vose vanwisa kashanu.

Mutsvakurudzo yakaitwa kubva Munetsi aenda kuReims mwaka wa2019/2020, zvakaonekwa kuti mwaka uno wa2022/2023 mutambi uyu ari kutamba nhabvu yepamusoro.

Munetsi ave nemwaka mina achitambira Reims uye mumwaka wake wekutanga wa2019/2020 akatamba mitambo 17 uye haana kumbonwisa, mumwaka waitevera wa2020/2021 akatamba mitambo 27 ndokukwanisa kunwisa kamwe chete.

Mwaka wegore radarika wa2021/2022, Munetsi akatamba mitambo 24 ndokukwanisa kunwisa kashanu uye mwaka uno uchiri kutambwa akwanisa kunwisa kashanu.

Mwaka uno kuLigue 1 chikwata chaMunetsi chasarirwa nemitambo 13 saka Munetsi ane mukana wekunwisa kamwe kakawanda.

Mutambo uchingopera weReims neToulouse, Munetsi akarumbidza matambiro akaita chikwata chake ndokuti, “Matambiro akanaka kubva kuchikwata chese cheStade de Reims”.
“Tinoramba tichienda kusvika kumagumo. Psalm 28:15,” akadaro.

Zvakadaro, apo dzimwe nyika dzakatarisana nekutanga gadziriro dzekurwira kuAfrica Cup of Nations ya2023, Munetsi nguva pfupi yadarika akati zvinorwadza kuona kuti senyika, tiri kusarira munhabvu nekuda kwezvirango zvatakatemerwa uye zvinhu zvinodzimba.

“Apo takatarisana nekudzoka kwemitambo yenyika, sevatambi venhabvu tinorangaridzwa kuti nyika yedu ichiri yakatemerwa zvirango zvekutamba nedzimwe nyika, zvirangaridzo izvi zvinoenda kuvatsigiri zvekare nekuti havasi kukwanisa kuona nyika yavo yavanaoda ichitamba”.

“Mamiriro akaita zvinhu tiri kurasikirwa nevatambi vakawanda nekuti havasi kuwana mukana wekuratidza tarenda ravo panguva iyo vanofanirwa kunge vachitambira nyika yavo.

“Ndinoramba ndichikumbira SRC neZIFA kuti vatsvage nzira dzekuwirirana vatsvage nzira yekuti nhabvu yedu irarame apo tiri kuenda mune remanagwana.

“Nhabvu yedu inoda titsvagane uye tose tifambe nenzira imwe chete tichitaura neizwi rimwe chete. Kutamba kwenyika yedu kumitambo mikuru kunobatsira tese zvakanyanya,” akadaro Munetsi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey