Munetsi ari mudenga rechinomwe

06 Feb, 2023 - 09:02 0 Views
Munetsi ari mudenga rechinomwe Marshall Munetsi achimaka Lionel Messi

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors neStade de Reims yekuFrance — Marshall Munetsi — akapemberera kuita mangange 1-1 kwakaita chikwata chake cheReims neParis Saint-Germain (PSG) svondo richangodarika.

Mutambo wezvikwata zviviri izvi wakatambirwa kunhandare yePSG yeParc des Princes kuParis.

PSG ndiyo yakatanga kunwisa ikatungamira apo Neymar akanwisa patambwa maminitsi 51, Reims ndokuzodzora mutambo wave kunopera watambwa maminitsi 96 apo pakaona Folarin Balogun achinwisa ndokuita mangange 1-1.

Chikwata chePSG chizere nevatambi vane mukurumbira vakaita saKylian Mbappe, Neymar da Silva Santos Jr, Lionel Messi naSergio Ramos.

Mwaka uno mumitambo miviri yeLigue 1 yachasangana neReims, yese yakapera iri mangange apo wekutanga wakapera uri 0-0 kuchiti wesvondo radarika uyo wakaita 1-1.

Mutambo uchingopera, Munetsi akamhanya kunonyora papeji rake repaFacebook kuti: “Matambiro anofadza aitwa nechikwata, Stade de Reims tinoramba tichienda kusvika kumagumo.”

Vatsigiri venhabvu vazhinji vakakorokotedza Munetsi nematambiro aakaita mumutambo uyu pamwe chete nechikwata chake.

Faro Grace akarumbidza Munetsi ndokunyora kuti: “Kana nyasha dzakuwana. Kubva muguruva rekuMabvuku uchinotamba neshasha dzepasi rese munhabvu dzakaita saMbappe, Neymar, Ramos nevamwe.”

Marshall Munetsi achimaka Lionel Messi

Edson Kumalo akanyorawo kuti: “Messi akutokuziva kuti mutambo wese wamunosangana unomumaka zvakasimba.”

Kuchitiwo Shortboss Matutu anoti vatambi vePSG vanosanganisira Mbappe, Messi naRamos havana kukwanisa kuritsika bhora svondo radarika sezvo vainge vakamakwa zvakasimba naMunetsi.

“Kana nyasha dzaMwari dzakuwana, zviri nyore kuona kuti Mbappe, Messi naRamos vange vari muhomwe dzako,” anodaro.

Munana Munetsi akanyorawo kuti: “Wakatamba mutambo wakanaka. Pazuva rako ungadai wakanwisa. Waizvipinza munzvimbo dzisingaite mubhokisi rePSG. Uri kuziva pekumira uye ndakafarira matambiro aunoita uchiziva pekumira.”

Kuchiti vamwe vatsigiri venhabvu vakaita saAyerz Mabinda vanoshuvira kuona Munetsi achitambira nhabvu yake muEnglish Premier League.

“OnceAndAlways ramba uchiita basa rakanaka Marshall.

Manje-manje tinokuona muEPL,” anodaro.

Mwaka wenhabvu wa2022/23 usati watanga, Brighton & Hove yekuEngland yaida chaizvo kutenga Munetsi kuti agotsiva Yves Bissouma uyo akange abva kuchikwata ichi achienda kuTottenham Hotspur.

Reims nemusi weChipiri yaive pamusha payo paStade Auguste-Delaune II apo yakasangana neLorient uye nemusi weSvondo ichasangana neAX Auxerre kunhandare yeStade de I’Abbe Deschamps.

Share This:

Sponsored Links