Munetsi, Kadewere dhuma dhuma

01 Feb, 2024 - 20:02 0 Views
Munetsi, Kadewere dhuma dhuma Tino Kadewere (kuruboshwe) aina Marshall Munetsi pakapera mutambo wezvikwata zvavo svondo radarika.

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI vemaWarriors – Marshall Munetsi naTino Kadewere – vakasangana apo zvikwata zvavo zvinoti Stade de Reims neNantes zvakatamba musi weSvondo wadarika mutambo weFrench Ligue 1.
Munetsi anotambira Stade de Reims uye Kadewere achitambira Nantes.

Mutambo wezvikwata zviviri izvi uyo wakatambirwa kunhandare yeReims yeStade Auguste-Delaune wakapera uri mangange 0-0.

Mumutambo uyu, Kadewere akapotsa pena iyo yakange yapihwa chikwata chake vatambwa maminitsi 73.

Kadewere akatanga mutambo uyu ndokutamba maminitsi 81, kuchiti Munetsi akatangawo akagara pabhenji akazopinda watambwa maminitsi 60 izvo zvakamuona achitsiva Amine Salama.

Munetsi achangodzoka kuchikwata chake cheReims sezvo nguva yadarika ange akakuvara izvo zvakamuona asingatambe mitambo mizhinji.

Asi zvisinei mutambi uyu akwanisa kutambira chikwata chake mitambo 13 akanwisa kaviri kubva pamitambo 19 yatambwa neReims.

Nekune rimwe divi, Kadewere uyo akaenda kuNantes mwedzi uno nechikwereti kubva kuOlympique Lyon akwanisa kutamba mitambo miviri yemuFrance Ligue 1 wekutanga uyo wakaona chikwata chake chichikundwa 2-1 neClermont kuchiti wechipiri waatamba ndeuyo wavakaita mangange 0-0 neReims chikwata chaMunetsi.

Reims mutambo wayo unotevera ichasangana neToulose musi weSvondo kuchiti Nantes ichange iri pamusha payo musi weMugovera apo ichasangana neLens

KuItaly Jordan Zemura akatanga akagara pabhenji apo chikwata chake cheUdinese chakakundwa 2-0 necheAtalanta mumutambo weItaly Serie A.

Zemura akazopinda mumutambo uyu watambwa maminitsi 76 kuzotsiva Hassane Kamara pane chinangwa chekuti anogona kuve mumwe wevatambi vanogona kusimudza chikwata chavo icho chainge chakatungamirirwa 2-0 asi zvakatadza kushanda sezvo mutambo wakangopera wakadaro.

Udinese mutambo wayo unotevera ichange iri pamusha payo apo ichasangana neMonza musi weMugovera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey