Kingstone Mapupu
MHURI yemurume ane mutumbi wakawanikwa uri musango wakabviswa dzimwe nhengo dzemuviri uye wakavhiiwa pedyo nechikoro cheNhowe Mission, kuMacheke, kudunhu raMambo Mangwende, kwaMurehwa, inoti haizi kuzofa yakazorora kusvikira yaziva zvizere chakakonzera kufa kwake.
Munyaradzi Nyamhandu (44), uyo aigara papurazi reAnthrone, kuMacheke, aivawo murimi achiita mabasa akasiyana ekubatsirana nevamwe varimi, anonzi akapondwa, mutumbi wake ndokuwanikwa uri musango.
Mushakabvu uyu anonzi akabva pamba nemusi wa6 Kubvumbi gore rino, achienda kunotora mari yake yechikwereti yekupisa uko akanga aita fodya pane mumwe murimi waikoku.
Zvisinei, haana kuzodzoka uye mutumbi wake wakazowanikwa nemusi wa16 Kubvumbi uri musango uye wakatanhaurwa dzimwe nhengo.
Mai Veronica Makumbe (43) – avo vanova mudzimai wemushakabvu – vanoti murume wavo akabva pamba pavo paPlot 33 kupurazi reAnthlone nemusi wa6 Kubvumbi achinoreva US$50 yechikwereti chekupisa fodya kwaaiva aita.
“Tashaya baba, takazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuWaterloo ZRP Base apo isu taingotsvaga. Mushure mekutsvaga mumasango nemumadziva nekumwe kwakasiyana, mutumbi wababa wakazowanikwa musango wakabviswa nhengo dzakasiyana uye usina maoko, makumbo, sikarudzi uye wakavhiiwa pachipfuva uye usina mwoyo nezvimwe,” vanodaro Mai Makumbe.
Vanoti mutumbi uyu wakaendeswa kuchipatara ukanoongororwa zvikaonekwa kuti murume wavo akanga afa nekupondwa.
“Nyaya inonetsa ndeyekuti baba pavakabva pamba vachinotsvaga mari yavo iyi, vakanopihwa US$1 chete vachinzi vaizodzoka kuzotora mari yavo. Chikwereti ichi US$50 takazoipihwa panhamo vatofa, kunyangwe nyaya iyi iri kuferefetwa nemapurisa. Hatisati tanzwa kuti kune munhu akasungwa kana kufungidzirwa kusvika pari zvino.
“Zvinoratidza kuti murume wangu akachekereswa, handizive kuti ndichariritira vana vangu sei sezvo baba pasisina kudai. Tine vana 4,” vanodaro.
Mai Makumbe vanoti pavaitsvaga murume wavo vasati vawana mutumbi wake, vakataurirwa nemumwe muporofita kuti akanga atorwa nemhondi.
“Muporofita uyu akataura kuti mutumbi wake wakazotakurwa ndokunorasirwa kunonzi kuBooster pedyo nekwatinogara. Mutumbi wakazoonekwa nemukomana aifudza mombe uyo anoti paaiva akarara akarota achidzingirirwa, ndokuzomhanya achivhunduka nekunzvimbo iyo akanoona mutumbi uyu,” vanodaro.
Mai Makumbe vanoti ivo nemhuri yavo havasati vawana tsananguro izere nekuda kwemafiro akaita murume wavo.
Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.
“Ndinoda kutanga ndawana zvizere nekuda kwemafambiro akaita nyaya iyi nepayasvika nechaizvo zvakabuda pakuongororwa kwakaitwa mutumbi wemurume uyu nemachiremba. Inyaya dzatinogara tichitaura kuti mhosva hairovi, kana variko vakaita izvi mapurisa anogona basa nekudaro vanobatwa chete nekuti nyaya dzekupondwa kwevanhu dziri kuwanda,” vanodaro Comm Nyathi.