Munhu munhu haavigwe ari mupenyu

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

CHISHONA kutapira – dapura hunanzva chairo! Sahwira wangu musi uno akataura nyaya yainzwisa tsitsi, nyaya iri maererano namabatirano atinoita muupenyu, nokuti variko vanogona kukurumidza kuti vamwe vanhu, “Haihwawo, zvipi!” Akati mumwe munhu akazotsiura vanhu vaionera mumwe munhu kuzvigunwe vachiti: “Munhu munhu, haavigwe ari mupenyu.”

Dzimwe nguva unofunga kuti wave kuziva mutauro waamai, asi pandakanzwa dimikira iri, ndakadzamisa pfungwa ndikaona kuti kana neniwo pane dzimwe nguva dzandakaviga vamwe vanhu vari vapenyu, nokuti ndaifunga kuti ndine ruzivo rwuri pamusoro pavo.

Vamwe takaviga vanhu vapenyu nokufunga kuti mari yatiinayo, yakaita kuti tifunge kuti vamwe vanhu havana basa, uye kuti pfungwa dzavo hadzina maturo. Nokuti, zvaveko mazuvano ndezvokuti, “Ane mari ndiye mukuru.”

Kana usingade kunzwa pfungwa dzavamwe, zvoreva kuti uri mbimbidoga inoviga vamwe vari vapenyu, asi vakuru vachiti, handizvo nokuti, “Munhu munhu, haavigwe ari mupenyu.”

Kana achiri kurarama, ainadzo pfungwa, dzinogona kuvaka upenyu hwavamwe vanhu. Nhasi ungamuwana akapfeka marengenya, asi mangwana unonzwa zvonzi munhu uya ave makoya – ave nemabhizinesi atekeshera nyika, mabhizinesi ave kuraramisa mhuri dzakawanda nokupa vanhu mabasa kusanganisira vomumhuri mako.

Vanhu vakawanda takavigwa tiri vapenyu, kunyange mupenyu asingavigwe. Muenzaniso wandingape ndewamadzimai sezvo vanhu vachangobva kupemberera zuva ramadzimai pasi rose, zuva re”Mother’s Day” pachiRungu. Madzimai aya ndiwo anonyatsogona kukuudza kuti sei zvichinzi “Munhu munhu, haavigwe ari mupenyu.” Kunyange zvazvo nyaya dzemikana pakati pavanhukadzi navanhurume dzasusukidzwa zvikuru, madzimai mazhinji vakazvara vanasikana vanokuudzai kuti vamwe vakasvika pakurambwa navarume vachinzi sei vachitadza kuzvara vanakomana.

Mamwe madzimai iwaya anokuudza kuti vakaitwawo chiseko mavakaroorwa vachinzi vazvara “pfambi” dzega dzega. Rusvava rwainzi pfambi nokuti rwaita mwanasikana!

Vamwe vaipedzisira vaparikwa nokuti vari kuzvara vasikana chete. Kuti vanhu vafunge kuti mbeu yaburitsa mwanasikana iyeyu yabva kupi, havazvifungi. Pamikana yokuenda kuchikoro, kana paine vanakomana navanasikana, mikana yaipihwa mwanakomana kunyange ari dzimati muchikoro.

Mumisha mizhinji, vanhukadzi havapihwi mikana yokupawo pfungwa dzavo pane zvakakosha zviri kuitika mumusha zvichinzi pfungwa dzavanasikana hadzina basa. Unonzwa vamwe vachipupura kuti vainzi chengeta pfungwa dzako wozonodziudza varume vako kana waroorwa.Asi ndichidzoka padimikira redu, tinoramba tichingoona kuti “Munhu munhu, haavigwe ari mupenyu.”

Madzimai iwaya ndiwo akazvara vanhu vakazara munyika. Ndivo zvakare anochengeta mhuri vamwe vana baba vakafanirwa nokuvigwa vari vapenyu vachizvitadza. Vabereki vazhinji vari kuchengetwa navanasika vaimbonzi vari vacheche “pfambi”. Vari kuvachengeta vari kwavakawanikwa ikoko kunyange zvazvo vakanzi vozopa pfungwa dzavo kuvarume vavo. Hauchengeti mubereki pasina mufungo. Kumabasa akasiyana-siyana, madzimai ari kufamba nendima pamwe chete navamhurume.

Ndosaka ndati, “Munhu munhu, haavigwe ari mupenyu,” nokuti munosvora mbodza neinozvimbira. Rimwe gore ndakanyora dzidziso yaive nemusoro wokuti, “Gonzo rakapona norukungiso rwomweni,” zvichireva kuti hauzivi chinogona kuponesa upenyu hwako.

Saka vehama, ngaive garoziva kuti, “Munhu munhu, haavigwe ari mupenyu.” Vanovigwa ndevaya vatinoti vashaya kana kufa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey