‘Munhu wese kumaWarriors’

06 Jan, 2022 - 09:01 0 Views
‘Munhu wese kumaWarriors’

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE mutambi wemaWarriors – Tendai Ndoro – anoti ari kutsigira chikwata chenyika chakasarudzwa naNorman Mapeza kuti chinomirira Zimbabwe kumutambo weAfrica Cup of Nations (AFCON) kuCameroon achiti zvakakosha kuti veruzhinji vachitsigire kuti chigotamba zvinonwisa mvura. MaWarriors pari zvino ari kuCameroon uko ari kuita gadziriro dzemutambo uyu uchatanga nemusi weSvondo.

Ndoro, uyo akaenda kumutambo uyu mugore ra2017, anoti anoona chikwata chegore rino chichibudirira kubuda muboka racho izvo chaikundikana makore anoti 2004, 2006, 2017 na2019 pachakamboenda kumutambo uyu. Kumutambo wegore rino, maWarriors akaiswa muboka reGroup B rine zvikwata zvinoti Senegal, Guinea neMalawi.

Mutambo wekutanga wechikwata chenyika ichi uriko nemusi weMuvhuro unotevera apo chichasangana neSenegal. Aka kachange kari kechitatu maWarriors achisangana neSenegal kuAFCON.

MaWarriors akatanga kutamba nemaLions of Teranga, sezita remadunhurirwa reSenegal, mugore ra2006 kuAFCON kuEgypt apo akakundwa 2-0 uye zvikwata zviviri izvi ndokuzosangana 2017 kuGabon uko maWarriors akakundwa 2-0 zvekare.

Ndoro anoti kutamba kuAFCON chiremerera chikuru icho chinofanirwa kushandiswa nevatambi vanoenda kumutambo uyu kusimudzira mureza wenyika pamwe nekugadzira mazita avo. “Kekutanga munhoroondo yedu yenhabvu, gore rino ndinoona tichibudirira kubuda muboka redu nekuti zvikwata zvatichasangana nazvo tinopedzerana nazvo. Ingangotityisa chete iSenegal asi zvimwe zvese tinopedzerana nazvo, kunyanya Malawi, tagara tichingoirova uye hatizive kuti muNational Sports Stadium takairova kangani,” anodaro.

Ndoro anoti vatambi vemaWarriors vanotofanirwa kutokunya dzisimbe uye vagorwa semvumba mumitambo yavo.

“Kune vakomana vanotambira nhabvu yavo muno, uyu ndiwo mukana wekuti vagadzire mazita avo nekuti mutambo mukuru wakaita seAFCON vakawanda vanoshuvira kuenda asi zvichiramba. Saka ndipo pavanotofanirwa kugadzira mazita avo kuti vagotengwa nezvikwata zvekunze,” anodaro Ndoro.

Ndoro muchikwata chaaive nacho kuAFCON muna2017, vatambi vaaiva navo vanoti Knowledge Musona, Kudakwashe Mahachi, Teenage Hadebe naTino Kadewere varimo zvekare muchikwata chegore rino chiri kumutambo uyu.

“Tikatarisa vatambi vari muchikwata chedu, tine vatambi vane chitsama vakamboenda kuAFCON makore adarika. Saka kuvepo kwavo muchikwata chedu kuchabatsira zvikuru mumatambiro atichaita,” anodaro Ndoro.

Zvakadaro, Ndoro anoti ari kutarisira kudzoka munhabvu uye mwedzi uno anogona kunge ave nechikwata chitsva.

“Ndine zvirongwa zvandiri kumhanyisana nazvo zvakawanda, asi ndichiri munhabvu manhingi zvekuti tarisirai muone mwedzi uno ndichange ndave nechikwata chitsva,” anodaro Ndoro.

Share This:

Sponsored Links