Munhu wose zvidzivirire

21 Jan, 2021 - 11:01 0 Views
Munhu wose zvidzivirire

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

ZVICHITEVERA kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19, mudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vari kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose akatarwa ekurwisa kupararira kwedenda iri.

Vanhu vakawanda vari kufa pamwe nekuwanikwa vaine chirwere ichi kubvira masvondo mashoma adarika uye Hurumende iri kupa yambiro yekuti huwandu hwenyaya dzedenda iri hunogona kuramba huchikwira nekudaro iri kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zvose zvinodiwa mukudzivirira kupararira kwaro.

“Chirwere cheCovid-19 chakonzera matambudziko makukutu munyaya dzeupfumi nemumagariro evanhu pasi rose. Tiri kuona kunyuka kepiri kwechirwere ichi saka ino ndiyo nguva yekuti tinge takangwarira uye toona kuti tiri kutevedzera matanho ose akatarwa ekudzivirira chirwere ichi sekupfeka mamasiki nemazvo tichivhara mhuno nemuromo,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vageze mawoko avo nemvura inomhanya nesipo nguva nenguva kana kushandisa sanitizer uye nekusaita chitsokotsoko sezvinodiwa nemitemo yakatarwa.

Vashandi vezveutano vari kusangana nedambudziko rekushomeka kwemidziyo yekuzvidzivirira kubva kuCovid-19 zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nedenda iri.

Kuburikidza nesangano ravo reAngel of Hope Foundation, Amai Mnangagwa – avo vanova zvakare Health Ambassador venyika – vari kuenderera mberi nemabasa avo ekubatsira uye vakapa mamasiki 20 000 emhando yeKN95, 1 000 midziyo yekuvhariridza mumusoro (headgear), 5 000 magirovhosi anoshandiswa neveutano nemaapuroni ekuzvidzivirira 1 350.

“Midziyo yemaPPE (Personal Protective Equipment) iyi inodiwa zvakanyanya kuitira kuchengetedzeka kwevashandi vezveutano nevarwere. Kunyangwe zvazvo vashandi vari pamberi panyaya yekurwisa chirwere ichi vari kuita basa ravo, vari panjodzi zvakare yekurasikirwa neupenyu hwavo uye nehwemhuri dzavo. 

“Urwu rubatsiro rwedu rwemaPPE kuitira kuti vanachiremba nanamukoti vashandire munharaunda yakakodzera mukuchengetedza upenyu uye nekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi,” vanodaro.

Vanoti rubatsirwo urwu rwakavepo zvichitevera kushanda kwavanoita nemamwe masangano anobatsira vanhu vanotambura pasi rose uye vanotenda vose vakayamura kuti midziyo yekuzvidzivirira kubva kuCovid-19 iyi ivepo.

“Rubatsiro urwu rwakabva mukushanda kwedu zvakanaka neveRotary Club vekuStuttgart-Flughafen Messe kuGermany uye nekushanda pamwe nemamwe makirabhu eRotary akadai seRC Wildpark neRotary Foundation iri kuStuttgart avo vakapa midziyo iyi kuAngel of Hope Foundation kuti igopihwa kumachiremba, vanamukoti nevashandi vezveutano vari pamberi panyaya yekurwisa chirwere ichi,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Rubatsiro urwu rwakagashidzwa kukambani inoona nezvemishonga yekurapa yeNational Pharmaceutical Company (NatPharm) uye midziyo iyi ichagoverwa kuzvipatara zviri kumativi ose enyika.’

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro — avo vainge vakamirirwa naChief Director Curative Services webazi iri, Dr Maxwell Hove — vanotenda Amai Mnangagwa vachiti rubatsiro urwu rwauya panguva yakafanira.

“Tiri kuona vashandi vezveutano vachibatwa nechirwere ichi, kunyanya apo pachakanyuka kepiri. Mhando itsva yechirwere ichi (new variant) iyo yave kune dzimwe nyika inopararira nekukasika. 

“Saka pakadai panoda kuti vashandi veutano vachengetedzwe nekudaro tinotenda First Lady nerubatsiro urwu,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vakafanobata chigaro chachamangwiza wechipatara cheSally Mugabe Central Hospital, Dr Christopher Pasi, vanotendawo Amai Mnangagwa nekushanda kwavo nesimba mukusimudzira chikamu chezveutano.

Share This:

Sponsored Links