Munhukadzi wakakosha

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Munhukadzi wakakosha

Kwayedza

KUTI musha ubudirire mune zvose, panodikanwa munhukadzi. Ndokusaka kuine chirevo chinoti “musha mukadzi”. Kana munhurume akaita zvinoyemurika, ziva kuti shure kwake kune mudzimai uyo anomutsigira.

Izvi zvinoreva kuti vanhukadzi vakakosha zvikuru nekuda kwebasa ravanobata mukusimudzira budiriro — ingava yepamusha, mumabasa kana yenyika. MuZimbabwe, vanhukadzi ndivo vanonyanya kushanda munyaya dzekurima, kumaruwa kana kumapurazi. Zvimwe chetezvo nemumakambani. Pabasa rose remumunda, kubvira pakudyara, kusakura nekukohwa, vanhukadzi ndivo vanobinduka vachishanda kudarika vanhurume.

Asi basa guru rinoitwa nevanhukadzi — kungave mukurera mhuri kana kumabasa — dzimwe nguva hariyemurwe nekuti zvinenge zvichingonzi ibasa ravanofanirwa kunge vachiita.

Semuenzaniso, ngatitii mukadzi nemurume vose vanoenda kubasa, pavanosvika vose kumba murume anogona kungosvikogara apo mudzimai anenge achimira-mira kubika nekuita mamwe mabasa emumba. Vane nungo dzekufunga vanongoti ibasa remukadzi.

Ichi ndicho chikonzero chakaita kuti svondo rapera Zimbabwe ibatane nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza zuva rekukosha kwevanhukadzi muupenyu, reInternational Women’s Day.

Zvakaonekwa zvakakodzera kuti gore roga-roga pave nezuva rinocherechedzwa vanhukadzi nekuda kwemabasa makuru avanoita zuva nezuva. MuZimbabwe, Hurumende iri kuedza nepose painogona kusimudzira kodzero dzevanhukadzi pamwe nekuti vave nemikana yakaenzana nevanhurume. Nhasi uno mwanasikana ave kungofundawo zvakafanana nemwanakomana pasina rusarura sezvaitwa kare apo vamwe vabereki vaikoshesa dzidzo yemwanakomana bedzi.

Vanhukadzi vane chitsama vave nezvigaro zvepamusoro mungave muHurumende, mumakambani akazvimirira nemapoka akasiyana.

Asi chigaro chemunhukadzi chepamusorosoro ndechekuriritira mhuri izvo zvisingagonekwe nevanhurume vakawanda.

Amai ndivo vanotakura mimba kwemwedzi mipfumbamwe. Pamwe pacho kana kutodarika.

Ndivozve amai vanoriritira iwewe wava kuzviti “munhu” nhasi uyo – kukuyamwisa, kukupaka bota, kukutsengera mishonga, mimwe yacho inovava, kukugezesa nekukupfekedza kudzimara wayaruka.

Dai vanhurume vainzi vazviite, taidziira nzeve nekuzhamba kwavo.

Zvose zvinoitwa nevanhukadzi zvinoda kutendwa.

MuHurumende varimo vanhukadzi vane zvigaro zvakadai semakurukota kana vanyori vakuru vemapazi akasiyana.

Nyaya iripo haizi yekuti vanhukadzi vakwikwidzane nevanhurume asi kuti pave nekuenzaniswa kwemikana.

Hapafanirwe kuve nerusarura mumabasa kunyangwe pamari dzemuhoro kuti murume here kana kuti mukadzi kana vachiita basa rimwe chete. Kunze kwemuHurumende, vanhukadzi vane chitsama vane zvigaro zvepamusoro mumakambani akazvimirira uye vari kuita basa ravo zvinodadisa sezvinongoitwa nevanhurume.

Muenzaniso wakanaka ndewaCde Oppah Muchinguri-Kashiri avo vanova gurukota rekudzivirirwa kwenyika vari zvakare sachigaro webato riri kutonga reZanu-PF, Cde Monica Mutsvangwa vanova gurukota rekufambiswa kwemashoko nenhepfenyuro, President wedare reSanete, Cde Marbel Chinomona nemamwe makurukota echidzimai akawanda.

Share This:

Sponsored Links