Uncategorized

Munomuziva here?

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Munomuziva here? Murume akatsikwa nechitima

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kukumbira veruzhinji vangava neruzivo nezvemumwe murume akatsikwa nechitima kuKadoma ndokufa mwedzi wapera kuti vavabatsire.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti mutumbi wemurume uyu uri kumochari yeKadoma Provincial Hospital.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police ekuKadoma Urban ari kuongorora nezvenyaya yemumwe murume akafira kuKadoma mushure mokunge atsikwa nechitima musi wa31 Kurume gore rino nenguva dza7:50 mangwanani,” vanodaro.

Vanoti mapurisa ane fungidziro yokuti murume uyu aive nemakore 45 okuberekwa.

“Murume uyu akanga akapfeka hembe ine mavara-mavara netirauzi jena musi waazoonekwa akafa,” vanodaro.

Vane ruzivo nezvemurume uyu vanokumbirwa kuti varidzire nhare mapurisa ekuKadoma panhamba dzinoti 068-2124057/2128047 kana 0772 628 175 kana vePress and Public Relations Section pa067-2125505.

 

Share This:

Sponsored Links