‘Munoz ndinomuumburudza’

22 Sep, 2022 - 11:09 0 Views
‘Munoz ndinomuumburudza’ Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva — Kudakwashe “Take Money” Chiwandire — otsidza kuti ari kuzokunda Zulina “La Loba” Munoz zvine mutsindo apo vatambi ava vacharwa nemusi wa1 Gumiguru kuHarare International Conference Centre.

Chiwandire naMunoz, chizvarwa chekuMexico, vaifanirwa kunge vakarwira bhande raWorld Boxing Council Super Bantamweight Interim Title mwedzi wadarika, asi mutambo uyu wakapfuudzwa kumberi sezvo chikwata chaChiwandire chainge chisati chapedza kuita gadziriro dzekuuronga.

Murairidzi waChiwandire arizve maneja wake, Clyde Musonda weDeltaforce Boxing Academy, anoti vagadzirira zvakazara mutambo uyu.

“Zuva ratange takamirira riye razosvika manje. Chiwandire naMunoz vachasangana musi wa1 Nyamavhuvhu muno kuHICC.

“Kutaura kuno, tiri mushishi kuita gadziriro dzekupedzisira dzekuona kuti zvese zvinodiwa kuti mutambo uyu ubudirire zviri panzvimbo uye Take Money ange akagadzirira.

“Mutambo waTake Money uyu mukuru zvikuru saka tiri kutarisira kuti agokunda bhande rake risare muno izvo zvichabatsira kuti arambe achisimukira mumutambo uyu,” anodaro Musonda.

Mutambo uyu wakatarisirwa zvikuru nenyika yese iyo iri kutsigira Take Money kuti ahwine nechinangwa chekuchengetedza bhande rake. Chiwandire akatumira mashoko kunaMunoz kuburikidza nevhidhiyo riri kutenderera padandemutande achiti: “Zulina, Zulina, Zulina, uri kufambira mahara kuno nekuti hakuna chauchabva nacho.

“Uchandiwana ndiri shasha uye uchandisiya ndiri shasha yeWBC zvekare,” anodaro Take Money.

Zulina Munoz

Munoz kana kuti La Loba (The Wolf) kubva paatanga kutamba tsiva akwanisa kutamba mitambo 58. Pamitambo iyi, ahwina 52 nekuita mangange miviri uye ndokukundwa mina chete.

Mutambo wake wekupedzisira akautamba gore radarika munaMbudzi apo akakundwa naDina Thorslund wekuDenmark.

Share This:

Sponsored Links