Munyemba une dovi

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
Munyemba une dovi Muriwo wemunyemba une dovi

Kwayedza

MURIWO wemufushwa unokurudzirwa zvikuru kuutano hwevanhu sezvo uine Vitamin A, B neC. Kune vazhinji vanoshora miriwo yemashizha vachida nyama bedzi, asika izvi zvinokanganisa utano.

Svondo rino Samatha Dengu wekwaRusape anotsanangudza mamwe mabikirwo emuriwo wemufushwa wemunyemba une dovi.

Zvinodiwa:

Chikari, mugoti, mufushwa wemunyemba, hanyanisi, munyu, matomatisi, mafuta nedovi.

Mabikiro:

Tora hanyanisi nematomatisi wosuka nemvura yakachena.

Cheka kuita zvidimbu zvidiki.

Gadza chikari chemufushwa woisa makomichi matatu emvura.

Siya zvikwate kwemaminitsi makumi maviri.

Rasa mvura yakatsvukuruka wodira imwe shoma.

Kana yava kupera, isa munyu, mafuta mashoma, matomatisi nehanyanisi.

Kwidibira usiye zvikwate kwemaminitsi mashanu.

Isa dovi zvipunu zviviri woramba uchikurunga kusvikira zvave kukwata segwata-gwata.

Munogona kudya nesadza remhunga, rezviyo kana rechibage uye uku kudya kwechivanhu kunovaka muviri.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

 

Share This:

Sponsored Links