Munyemba une dovi

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Munyemba une dovi

Kwayedza

KUBVIRA pasichigare, vanhu vaidya chikafu chine utano chinosanganisira miriwo yakaita semunyemba uye izvi zvaiita kuti vasabatwe nezvirwere zvenhando sezvave kuitika muraramo yanhasi.

Svondo rino Mai Pamella Sanganayi vekwaMutare vanotsanangura mabikirwo emuriwo wemunyemba.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, dovi, hanyanisi, matomasi, mufushwa wemunyemba nemunyu

Mabikiro:

Rara wakanyika munyemba mumvura kuti upfave.

Bvisa mvura yese wodira imwe wofashaidza pamoto.

Geza zvakare munyemba wako nemvura inopisa kusvika mvura yese yakatsvukuruka yapera.

Wozodii?

Tora hanyanisi nematomatisi wozvigeza. Cheka kuita zvidimbu zvidiki wogadza chikari kana poto kweawa rese uchiwedzera mvura. Chiisa hanyanisi nematomatisi wokwidibira zvombokwata kwemaminitsi mashanu.

Isa zvipunu zviviri zvedovi woramba uchikurunga kusvikira zvanyatsosangana.

Munyemba unodyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana remhunga.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713411281

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey