Munzwembiri otungamirira Zim kuWorld Beach Games

23 Sep, 2022 - 20:09 0 Views
Munzwembiri otungamirira Zim kuWorld Beach Games

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE Olympic Committee (ZOC) inoti iri kufara zvikuru nekugadzwa kwakaitwa Merit Munzwembiri – uyo akafanobata chigaro chadirector tv production and digital platforms kuZimbabwe Broadcating Corporation (ZBC) – saChef De Mission (CDM) weZimbabwe Bali 2023 Beach Games.

Mitambo yeWorld Beach Games yakaitirwa kuchitsuwa cheBali kuIndonesia kubva nemusi wa5 Nyamavhuvhu kusvika 12 Nyamavhuvhu.

Mushure mekubudirira kwake musarudzo dzakaitwa, bhodhi reZOC nemusi wa15 Gunyana rakazadzikisa kugadzwa kwaMunzwembiri saChef De Mission weZimbabwe Bali Beach Games 2023.

Izvi zvakaitwa zvichifambirana nemitemo uye zvinangwa zveZOC Athletes Development and Support senzira yekuona kuti zvikwata zvemuZimbabwe zvawaniswa rutsigiro rwakakwana kuti zvizokwanisa kupinda mumakwikwi enyika dzepasi rose mugore ra2025.

Munzwembiri ndiye zvekare sachigaro anoona nezvenyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume kuZOC.

“Ndiri kufara zvikuru nekusarudzwa kwandakaitwa muchirongwa ichi chemaWorld Beach Games 2023 uye ndiri kuvimbisa kushanda nesimba kuti tisimudzire mureza weZimbabwe munyaya dzezvemitambo,” anodaro Munzwembiri.

“Kuburikidza nemitambo iyi, tine donzvo rekusimudzira chimiro chedu seZOC.”

Share This:

Sponsored Links