Uncategorized

Mupfuhwira uyu wakaipa

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MUPFUHWIRWA rudo! Aya mashoko anowanikwa mukambo kemuimbi anove gamba renyika, mushakabvu Oliver “Tuku” Mtukudzi.

Asi ichokwadi here kuti mupfuhwira rudo kana tichitarisa zvimwe zvinodyiswa vangave varume kana vakadzi nevadikani vavo?

Kubvira kare-kare, zvinonzi kune vanhukadzi vaipa varume vavanenge vapinda navo muwanano mipfuhwira yekuti imba ipfumbire.

Mipfuhwira iyi inonzi yaiiswa muchikafu kana muchinwiwa uye murume nemukadzi vanenge vari muwanano vaidya chikafu ichi kana kunwa chinwiwa chacho vose.

Zvinonzi zvakare kune vamwe vaitowirirana kuti vashandisirane mupfuhwira senzira yekukuchidzira rudo pakati pavo.

Tsika yekushandisa mupfuhwira iyi ichiri kutevedzwa nevamwe vanhu kana nanhasi uno.

Asi pane musiyano mukuru kana zvichienzaniswa mupfuhwira uri kushandiswa makore ano nakare.

Zvimwe zvacho zvinonzi zviri kudyiswa vangave vanhurume kana vanhukadzi, munhu akazvinzwa zvinotorovesa hana pamwe nekushatirisa.

Semuenzaniso, svondo rino tine nyaya yemumwe mukadzi ari kuti iye nevamwe vake vanoshandisa mupfuhwira unenge wakasanganiswa netsvina yemunhu nechinangwa chekukwezva varume.

Sekutaura kwemukadzi uyu, anoti vanoshandisa tsvina yemunhu nyoro kana yakaomeswa iyo vanokuya kusvikira yatsetseka vozosanganisa nemishonga apo vanobika chikafu kana kuisa muzvinwiwa zvavanozopa varume vavanenge vachidadana navo.

Kunze kwaizvozvo, mudzimai uyu anoti vanoshandisawo mupfuhwira unenge wakasanganiswa nemvura yavanenge vagezesa kusikarudzi dzavo.

Maitiro akadai haana kumbosiyana nehuroyi.

Hakuna mupfuhwira wakadai asi kuti zvinoitwa nemunhu ane hutsinye hwekupedzisira.

Vanoshandisa mipfuhwira yakadai ivo havadye kana kunwa zvinwiwa zvavanenge vaisa mipfuhwira iyi.

Tsvina yemunhu inosemesa kuiona chaiko, zvino munhu wotoitora iri nyoro kana kuiomesa, woikuya nekuzoishandisa semupfuhwira?

Panguva iyo munhu anenge achitora tsvina yake achida kuishandisa semupfuhwira, chii chinenge chiri mupfungwa dzake?

Kusatya Mwari here kunoita kuti munhu ave nemwoyo wakasindimara kudaro?

Zvimwe zvirwere zvakaita sezvemanyoka zvinokonzerwa nehuchapa hunosanganisira kunwa mvura kana kudya chikafu chinenge chakasangana netsvina yevanhu. Kune mamwe marukisheni ari muHarare zvibhorani zvakatovharwa kuti zvisashandiswe nekuda kwekuti mvura yacho yakange yasangana nemasuweji aibva mupombi dziri pasi idzo dzakadhuuka.

Kuvharwa kwezvibhorani izvi kunotevera kunyuka kwainge kwaiita zvirwere zvemanyoka setyphoid necholera kune avo vaishandisa mvura yemuzvibhorani izvozvi.

Zvino pakadai apa ndipo mumwe munhu paanotora tsvina yake achinyatsoziva, oisa muchikafu kana muchinwiwa icho anozopa mumwe munhu kuti adye kana kunwa?

Havazi vanhukadzi chete vari kushandisa mipfuhwira sezvo kuine vamwe varume vari kuishandisawo.

Zvakawanda zviri kudyiswa vamwe vanhu semupfuhwira izvo zvinosanganisira mabori embwanana nemiswe yemadzvinyu.

Asi zvose izvi hazvina kumbosiyana nehuroyi.

Zvimwe zvinonzi mipfuhwira hazvishande, asi kuti zvinotonyangadza wanano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey