Uncategorized

Muporofita 1 : Murume 0 . . . ‘Muteuro’ wojamuka

31 Dec, 2020 - 15:12 0 Views
Muporofita 1 : Murume  0 . . . ‘Muteuro’ wojamuka Sekuru Mutanga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wekuMhondoro – uyo pari zvino ari kugara kunyika yeSouth Africa uko anoshandira – anoti haana zororo siku nesikati zvichitevera dambudziko raakatakudzwa pamwechete nekamwana kake kasikana kane makore matatu ekuberekwa, rekuitwa mukadzi nechikwambo.

Anoti dambudziko iri rakatanga mushure mekunge iye nemunin’ina wake vaenda kunoshandirwa nemumwe muporofita wekuGoromonzi uko vakapihwa “muteuro”.

Loveness Musa anoti dambudziko rake rakatanga mushure mekunge anamatirwa nemuporofita anongozivikanwa saChinenharo. “Pakutanga, ndakanamatirwa naChinenharo pamwechete nemukoma wake anonzi Admire tiri kumba kwemunin’ina wangu achibva apihwa muteuro waakanokanda kumusha. Saka kubva ipapo zvinhu hazvina kuzomira zvakanaka nekuti ndakatanga kungoona muporofita uyu achitaura neni ndichipindurana naye zvekuti pane dzimwe nguva vanhu vaitofunga kuti ndinopenga.

“Ini pachangu ndinotomuona muporofita uyu. Kana ndichikwazisa murume wangu panhare, iye Chinenharo ndiye anototanga kudaira chinangwa chake chiri chekuti anoda kuti ndisiyane nemurume wangu ndiite mudzimai wake,” anodaro Musa.

Musa ane vhidhiyo rake achitaura iro raakatumira Kwayedza ari kuEastern Cape, kuSouth Africa, apo anokumbira kubatsirwa. Paanobvunzwa kuti iye haana kumbobvira akadanana naChinenharo here, anorambisisa achiti akatomuziviswa nemunin’ina wake mushure mekunge vaenda kunonamatirwa.
Musa anoti ari kutsvaga rubatsiro kumaporofita kana varapi vechivanhu vangakwanisa kumubatsira padambudziko iri.

“Pavakandinamatira vari vaviri kudaro, ini ndaisava nedambudziko asi kuti munin’ina wangu ndiye aida kushandirwa. Maporofita aya akamuudza kuti kuti dambudziko rake ripere, aifanirwa kuuya nehama yake saka takatoenda naye pamwechete nevabereki vangu chinangwa chiri chekuti ayambutswe nyambisirwa handaiziva kuti ndini ndichasara ndava nenhamo yakadai.

“Kutaura kudai mwana wangu ava nemazuva anodarika matatu achichema achiitwawo mukadzi, tinochinjaniswa – zvikabva kumwana zvouya kwandiri,” anodaro.

Musa anoti akatosiya murume wake kuZimbabwe achienda kunogara kuSouth Africa iri nzira yekuedza kutiza dambudziko iri asi riri kumutevera ikoko.

“Kutaura kudai ndine pamuviri pane mwedzi misere zvekuti ndiri kutotya kuti panogona kubva nekuda kwemubobobo wemuporofita uyu. Murume wangu ari kuZimbabwe zvekuti ndava kutotya kudzokako, zvisinei nekuti kune vamwe vaporofita vanoti vanogona kundibatsira kana ndikauyako. Ndaida kwazvo munhu anogona kundibatsira ndiri kuno,” anodaro Musa.

Anoti nguva zhinji anenge achitotaura nemuporofita uyu uye achimuona.

“Kunyangwe murume wangu kana akafona achitaura neni, muporofita uyu ndinobva ndanzwa izwi rake riri iro rinotanga kudaira iri nzira yekuganhura hurukuro pakati pangu nemurume wangu. Ndakasvika pakuramba basa, zviya zvekungonzwa kuti handichada kushanda ndikagumisira ndanogara.

“Zuva nezuva muporofita uyu anotaura neni achinditi ndiri mukadzi wake. Ndinomunzwa achitaura neni ari kuZimbabwe ini ndiri kuno kuSouth Africa.”

Musa akatumira zvekare Kwayedza vhidhiyo remwana wake achichema nekuda kwekuitwa mukadzi nezvinhu izvi. “Pese pandinongoita kunge ndava kuda kufara, anobva ati ndinoda kuzviona izvozvo ndototanga kubobodzwa tichichinjaniswa nemwana wangu,” anodaro Musa.

Votaura nezviri kuitika kumukadzi uyu nemwana wake, Sekuru Elisha Mutanga – avo vanova murapi wechivanhu vari zvekare nhengo yesangano reZimbabwe Traditional Healers Association (Zinatha) – vanoti izvi hazvina kumbosiyana nehuroyi. “Mubobobo wakangofanana nehuroyi nekuti kuita zvinhu munhu asingazive. Muporofita iyeyu anogona kunge akangochiva mudzimai uyu apo akaperekedza munin’ina wake kumasowe.

“Zvamunoona vanhu vakapfeka magemenzi handi vose vanonamata, vamwe vanenge vakaromba vachiita basa rekuturika vanhu mhepo dzakashata apo vanenge vaenda kwavari vachitsvaga kubatsirwa. Vamwe vaporofita ndivo vanoisa vanhu madhimoni ekuti vadonhe zvichiita kuti vawane mbiri,” vanodaro.
Sekuru Mutanga vanoenderera mberi: “Mudzimai uyu anobatsirika, mhepo iri kumushungurudza pamwe nemwana wake ichibviswa agorarama upenyu hunoendeka. Kunzwa izwi remuporofita richimupindura pose paanoedza kutaura nemurume wake zvinoreva kuti akaiswa mhepo inoganhura rudo rwake nemurume.

“Zvinoratidza kuti muporofita uyu ndiye ava kutotora mukadzi uyu sewake iri nyaya yeruchiva. Panotambura mukadzi uyu, muporofita anenge chibudirira.”

Mbuya Florance Madyira vechechi yeChitenderano Chevapositori Apostolic Church vanotiwo kana mudzimai uyu akanamatirwa, dambudziko rake rinopera.

“Iye mudzimai uyu anofanira kureururawo kuti hapana zvaakabatawo here uye kana achitenda kunaMwari dambudziko rake rinonamatirwa richipera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey