Muporofita abatira moto pasowe . . . gemenzi raakapfeka rikatsva

04 May, 2022 - 19:05 0 Views
Muporofita abatira moto pasowe . . . gemenzi raakapfeka rikatsva Madzibaba Bond Gumira

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA weJohane Masowe Bonservia Nyenyedzi Nomwe yekuChitungwiza akasangana nemasaramusi pamba pake kuUplands kuWaterfalls, muguta reHarare apo ainamatira imwe mhuri, gemenzi raainge akapfeka ndokungobatira moto.

Zvinonzi kune mhuri yevanhu vatanhatu – murume nemudzimai wake nevana vavo vatatu pamwe nasekuru vavo – vakabva kuChipinge vaine dambudziko rekurohwa nezvinhu zvavaisaona ndokuenda kumuporofita uyu vachida kubatsirwa nemusi weSvondo wadarika.

Mhuri iyi yakasvikira kumba kwamadzibaba uyu.

Madzibaba Bond Gumira Jnr ndiye anonzi akachipiswa nemadhimoni apo gemenzi rake rakabatira moto achinamatira mhuri iyi.

Panzvimbo yaainamatira iyi, panonzi paisava nemoto pachivanze kana mumba.

Kwayedza payakashanyira muporofita uyu nemusi weChipiri chino, akamboramba kutaura nevatori venhau achiti vaiva vachishandiswa nevavengi vake munyaya dzekurwisana kwemachechi.

Gemenzi rakatsva

“Ehe, ibasa renyu vatori venhau rekutaura zvaitika, asi munangwara kushandiswa nekuti kune kurwisana kwatinoita semaporofita kana mafundisi mumachechi, kunyanya machechi ekumasowe. Chii chinoshamisa kunzi gemenzi rakatsva?

“Kune vakaputikirwa negasi mhuri yose ikafa nezvimwe zvinoshamisa asi imi veKwayedza hamuna kuiburitsa nyaya iyi nedzimwe dzakawanda. Musadaro vakomana, munoda kundiparadza here?” anodaro Madzibaba Bond.

Zvisinei, muporofita uyu anozobvuma kuti pakaitika masaramusi pamba pake apo gemenzi raaiva akapfeka rakabatira moto.

“Ndaibatsira mhuri yekuChecheche kuChipinge, kuManicaland avo vaingorohwa nezvinhu zvavaisaona vakauya pano nemusi weSvondo wadarika. Ndichivabatsira husiku, ndakatanga kuona moto mumaziso asekuru vechikuru vaivapo ivo vose vabatwa nemadhimoni.

“Inini ndakatanga kunzwa kupisa nechekumashure kwangu ndokungofunga kuti kwaingovawo kudziya kwekunze. Mumwe wemasondosi angu ndiye akazomhanya achiti gemenzi rabatira moto,” anodaro Madzibaba Bond.

Muporofita uyu anoti achiona izvi, ndimi dzose dzakatiza ndokumhanya kudivi kwaiva nemvura achida kuti anozvidzimura.
Anoti akazokwanisa kukumura gemenzi iri apo moto uyu wakamupisa ruoko rwake rwekurudyi.

“Moto uyu hauna kuzoenderera mberi pandakakumura gemenzi iri apo masondosi angu nemasadare vaivapo vachiedzawo kuudzima. Handizive kuti moto rudzii, hutsi hwacho hwaikachidza kuita sehwematayi.

“Ndakazokwanisa zvangu kufambira mberi nekunamatira mhuri iyi, ndinayo izvozvi pano vari kuseri uku,” anodaro.

Kwayedza yakazokumbira kuona mhuri iyi, asi vanhu ava vakabva vatanga kudya marasha pavakangonzwa kuti vaida kutaurwa navo nevatori venhau.

Murume wechikuru aivapo akatanga kushevedzera nezwi repamusoro achiti ikodzero yavo kushandirwa muchivande.

“Makajaidzwa imi vatori venhau, kuteverera vanhu munyaya dzemudzimba dzavo. Iwe (kureva munyori uno) hauna matambudziko ako here? Pamwe akatodarika edu, hatidi kutaura newe.

“Asi imi madzibaba ndimi mavashavedza here? Ndiwo mabatsiriro amunoita vanhu here ekuti munovashevedzera vatori venhau? Itai zvekutamba, hamuzive kuti ndisu vanaani. Endai munoburitsa tinopedzerana!” anodaro murume uyu.

Mumwe murume aivepo, mudzimai wake nevana vavo vatatu vakabvawo vapindira mukupopota vachiti vaisada kuti matambudziko avo aburitswe munhau.

Madzibaba Bond Gumira ndiye akazodzikamisa vemhuri iyi.

Votaura nezvenyaya iyi, mukuru wesangano reZinatha VaGeorge Kandiyero vanoti zvakaitika kumuporofita uyu, zvekutsva magemenzi ake, kukurirwa kwechiporofita chake uye angadai akatofira panzvimbo.

“Madzibaba ava ngavambokwira makomo vanowedzera kunamata, kureva kuti vakakundwa simba nedambudziko rine mhuri iyi.

“Tine muenzaniso wen’anga yakanofira pamusoro peguva ichida kutandidzira mweya wengozi yemunhu akapondwa. Ndizvo zvimwe chete nenyaya iyoyi,” vanodaro VaKandiyero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey