Muporofita abhinya murwere wepfari . . . atova nepamuviri 

19 Sep, 2022 - 09:09 0 Views
Muporofita abhinya murwere wepfari  . . . atova nepamuviri  Madzibaba Gracia

Kwayedza

Latwell Nyangu naLaura Maposa

MURUME wekuMabvuku muHarare, uyo anozviti muporofita, ari kupomerwa kubata chibharo nekupa pamuviri musikana ane makore 16 okuberekwa uyo anorwara nepfari.

Mhosva iyi inonzi yakaparwa apo mwana uyu akaenda kumurume uyu achitsvaga kubatsira pahurwere hwake uhu.

Joseph Muchenje, uyo anonyanya kuzivikanwa nekunzi Madzibaba Gracia, anonzi akatora mukana wekurwara kwemusikana uyu apo aigara kumba kwake achiti ari kumunamatira.
Musikana uyu anonzi ane pamuviri pave nemwedzi mitanhatu.

Zvinonzi Madzibaba Gracia akatora musikana uyu ndokuenda naye kuChishawasha Hills achiti anoda kunomunamatira hurwere hwake.

Apo “aimunamatira”, Madzibaba Gracia akabva amubata chibharo ndokuzomuudza kuti aende kumba. Nyaya iyi inonzi yakamhan’arwa kumapurisa nevabereki vemusikana uyu.
Asi vabereki vake vanoti mapurisa haana matanho aakatora sezvo vasina kukwanisa kuburitsa gwaro remwana uyu rekuzvarwa rinoratidza kuti ane makore 16 okuberekwa.

“Mwanasikana wedu aigara achiuya kumba nguva nenguva asi pakapera mwedzi mina, akabva atanga kurega kuuya kumba uye vamwe vanhu vakatiudza kuti atove nepamuviri.

“Mwanasikana wedu aigara achitya muporofita uyu nekuti anonzi akamutyisidzira kuti anogona kuita kuti hurwere hwake huwedzere kana akaramba kushinha naye,” vanodaro baba vemusikana uyu.

Amai vake vanoti vakazoronga kuti vanotora mwana wavo masvondo maviri adarika kumuporofita uyu apo anonzi akataura kuti akabatwa chibharo uye ane pamuviri pane mwedzi mitanhatu.
“Izvi zvakaitika apo mwana wedu airwara nekudaro muporofita uyu akatora mukana uyu. Takamhan’ara nyaya iyi asi nekuda kwekuti hatina gwaro rake rekuzvarwa, hapana zvakaitwa,” vanodaro.

Achibvunzwa nezvenyaya iyi, Madzibaba Gracia anoti haana kubata musikana uyu chibharo asi kuti anodanana naye.

“Ndaidanana nemusikana uyu kwemwedzi mishanu kana kuti mitanhatu yadarika.
“Handina kumubata chibharo kana kumumanikidza kuita chimwe chinhu chaakange asingade. Ndakange ndisingazvizive kuti achiri pasi pezera. Hongu, airwara uye achigara pamba pangu, asi takadanana.

“Ndini baba vemwana wemimba yaakatakura uye hapana chandinoramba,” anodaro Madzibaba Gracia.

Share This:

Sponsored Links