Uncategorized

Muporofita anondishandisira bluetooth’

01 May, 2022 - 06:05 0 Views
Muporofita anondishandisira bluetooth’ Mambo Makoni

Kwayedza

Lovemore Kadzura

MUDZIMAI wekwaRusape aendesa mumwe murume weko anozviti muporofita kudare raMambo Makoni achimupomera mhosva yekushinha naye zuva nezuva kubva mugore ra2019 achishandisa mubobobo kana kuti “bluetooth”.

Izvi zvinonzi zvakatanga mushure mekunge Jestina Magutakuona wemumusha waNyamombe atsvaga kubatsirwa naJonasi Mugombi padambudziko rainetsa mukoma wake uyo ave mushakabvu.

Magutakuona, uyo anogara kuSouth Africa, akarondedzera nyaya yake achisvimha misidzi mudare raMambo Makoni.

Anoti haana rugare kubvira paakabatana nemukoma wake (zita harina kutaurwa mudare) kunotsvaga rubatsiro kuna Mugombi uyo anonzi muporofita muchechi yeZion Church (Yetambo).

Magutakuona anoti anozvidemba nekuramba yambiro yaamai vake yekuti vasatsvage rubatsiro kuna Mugombi sezvo vaiti haazi muporofita wechokwadi.

Anoti mukoma wake, uyo akazoshaya, aive asinganzwe zvakanaka zvikaita kuti vaende kunotsvaga rubatsiro kuna Mugombi.

“Muna2019, ndakadzoka kubva kuSouth Africa ndichida kuona mukoma wangu uyo akanga asinganzwe zvakanaka. Akanga akazvimba makumbo uye achirasikirwa neropa rakawanda.

“Takaenda kuna Mugombi tichida kubatsirwa sezvo ainzi muporofita. Amai vangu vakambenge vatiyambira kuti tirege kutsvaga rubatsiro rwake, asi hatina kuterera yambiro yavo.

“Pandakadzokera kuSouth Africa, ndaiona ndichishina naMugombi kuhope dzangu. Murume wangu akanga achiri mupenyu.

“Ndakafonera Mugombi nezvedambudziko iri akandiyambira kuti ndizore dota nemunyu pasikarudzi yangu, zvikambomira kuitika kwemazuva mashoma.

“Murume wangu akazoshaya zvikatanga zvakare, uye rwendo rwuno zvatonyanya. Ndinoshinha naye mazuva ose uye ndinorwadziwa zvikuru,” anodaro Magutakuona.

Mugombi haana kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi, asi anoti vamwe vanatsikamutanda vakamubira nduni (tsvimbo diki) dzake idzo vari kushandisa kushereketa naMagutakuona.

“Chokwadi mukadzi uyu nemukoma wake mushakabvu vakauya kwandiri vachida kubatsirwa. Zvaari kusangana nazvo zviri kukonzerwa nenduni dzangu dzakabiwa nevamwe vanatsikamutanda.

“Ndaishandisa nduni idzi pakurapa. Vanatsikamutanda ava vave kudzishandisa zvisirizvo vachishinha nemukadzi uyu. Handizive mazita avo uye kwavanogara,” Mugombi anoudza dare.

Mambo Makoni vakapa mutongo wekuti paitwe chirongwa chekuchenura uye ndokuti Magutakuona anofanirwa kurapwa pachishandiswa nzira dzechivanhu.

Mugombi ndiye achabhadhara mari yemabasa ose ari maviri achabatwa aya.

Mushure mezvo, nyaya iyi ichazoenderera mberi nekutongwa mudare iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey