Uncategorized

Muporofita apihwa tsvimbo nesvikiro

02 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Muporofita apihwa tsvimbo nesvikiro Kugashidzwa tsvimbo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vanodarika zviuru zvishanu, kusanganisira madzishe, vakaungana svondo rapera kwaChihuri kuMadziva, kudunhu reMashonaland Central pamutambo wekudzoswa kwetsvimbo inonzi inoyera yaMutumwa Micho Maidon Svingarehoko uyo akashaika makore adarika.

Micho, uyo akaberekwa mugore ra1909 kuChiweshe uye aizivikanwa nekuita mapipi, aiva mutungamiri wechechi yeJohane Masowe yeChishanu Nyenyedzi Nomwe.

Akashaika makore adarika mushure mekuchengetesa tsvimbo yake kune svikiro rinonzi VaWilcort Makweva kana kuti Sekuru Pfumojena (58) vekwaKandeya, kuMt Darwin.
Pagungano iri paive nemadzimambo anosanganisira Kandeya, Mutumba, Nyamaropa, Madziwa naChiswiti vekudunhu reMashonaland Central.

Tsvimbo yaMicho iyi yakagashidzwa kunaMutumwa Bond Gumira (35) vanobva kuChipinge vesowe reBornservia Johane Masowe Nyenyedzi Nomwe riri kuChitungwiza .
Mambo Madziwa vanoti tsvimbo iyi yakachengeteswa svikiro iri mugore ra1972 ichinzi yaizofanirwa kupihwa muporofita aizobatwa nemweya wemakombwe.

Mutumwa Micho

“Nyaya yetsvimbo iyi yakataurwa pakashaika Mutumwa Micho kuti yaiva yakachengetwa nesvikiro Sekuru Pfumojena uye yaizotsvagwa wekupihwa mukati mevanhu vane hana, vaine mhepo dzechokwadi dziri pavari. Kubatana kwemasvikiro nemaporofita kwakazosarudza murume wechidiki uyu anonzi Mutumwa Bond Gumira wesowe reBornservia Johane Masowe Nyenyedzi Nomwe uyo anobva kuChipinge.

“Tinonzwa kuti tsvimbo iyi ichabviswa zvakare kuna Mutumwa Bond pavanosvika makore 55 yoendeswa kune mumwe, zvichiitwa nemweya,” vanodaro Mambo Madziwa.
Sekuru Pfumojena vanoti vakabatwa nemudzimu vari chindumurwa, ndokuzopihwa tsvimbo iyi vave nemakore masere okuberekwa apo vanoti vakatanga kufambidzana naMicho.

“Ndapihwa tsvimbo iyi, ndakabva ndasvikirwa ndokuenda kunoiisa mubako ndakabatwa nemudzimu paine vamwe vechikuru vaivapo. Vakataurirwa kuti tsvimbo iyi ichagara mubako umu kusvikira mweya wazotaura kuti ndiyani achazoipihwa, kukazonongedzwa Mutumwa Bond Gumira Save wekuChipinge,” vanodaro Sekuru Pfumojena.
Vanoti munguva yehondo yeChimurenga, tsvimbo iyi ndiyo yaishandiswa kudzikamisa kuti hondo isauraye vanhu vasina mhosva mudunhu iri.

“Panguva yehondo, ndiyo tsvimbo yaidzikamisa zvinhu mabhunu aineta tikaita masaramusi edu. Murume apihwa tsvimbo iyi ndaisamuziva, ndakatanga ndichiita kumurota nemamwe mabotedzi akawanda vaingopihwa zviratidzo zvemurume iyeyu. Iyewo airatidzwa kuti ndiye achatora tsvimbo iyi kusvikira akatanga kutsvaga sezvo aipihwa nezita rangu chairo,” vanodaro Sekuru Pfumojena.

Pachiitiko ichi paivawo nemamwe masvikiro, vamwe vacho vakapoterwa vachitsinhira kukosha kwetsvimbo iyi.
Mutumwa Bond Gumira vanotenda nekusarudzwa kwavakaitwa nemasvikiro nemamwe maporofita kuti vapihwe tsvimbo iyi.

“Vanhu vangashamisike kuti maporofita nen’anga zvinofambidzana papi, tose masimba edu anobva kuvadzimu nekunaMwari Nyadenga. Zvinongosiyana kuti mweya uri kutaura kudiiko.

“Tinoshanda pamwe chete nemasvikiro sezvamaona nhasi. Semunhu apihwa simba iri, ndichashanda nemadzishe sezvataurwa nemasvikiro nemweya mutsvene pano zvinoda kuti zvitevedzwe,” vanodaro Mutumwa Bond Gumira.
Mambo Chiswiti, VaShoti Kanzou, vekuMt Darwin, vanokurudzira kutevedzwa kwechivanhu kuitira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka munharaunda.

Share This:

Sponsored Links