Muporofita aroverwa tsanangudzo dzenhema

23 Nov, 2022 - 17:11 0 Views
Muporofita aroverwa tsanangudzo dzenhema Muporofita wemanyepo

Kwayedza

Karen Mhlanga

MUMWE muporofita akazvindikitwa mushure mekupa tsanangudzo dzekunyepa senzira yekuda kuparadzanisa imwe mhuri yekuUshewokunze, kuHarare South.

Pane rimwe vhidhiyo riri kutenderera mumaWhatsApp apo murume anonzi Shepherd Karimanzira anoonekwa achirova muporofita uyu.

Shepherd anorova muporofita uyu nezvibhakera pamwe chete nebhutsu.

Muporofita uyu akazoponeswa nehanzvadzi yaShepherd, Tsungai Karimanzira.

Tsungai anonzi akaenda kumuporofita uyu akamuudza kuti ataurire madzikoma ake kuti varemekedze mwana wake mukomana achiti mudzimu wasekuru vavo uri kubuda paari.

Shepherd haana kuzvitambira achiti hazvigoni kuti mudzimu wasekuru vake ubude pamwana wemukuwasha maringe nechivanhu.

Izvi zvakaita kuti ashanyire muporofita uyu ndokumuzvambaradza.

“Enda kumapurisa uvaudze zvandakurovera. Uri kukonzeresa kunetsana mumhuri medu nekuda kwetsanangudzo dzako dzekunyepa. Mudzimu wasekuru vangu ungasvikire pamwana wemukwasha chirudzii?

“Ndinoda kuti utaure kumapurisa kuti ndakurova kana usina mhosva. Unoda kuti ndikudze muzukuru wangu? Handibvume manyepo iwayo,” anodaro Shepherd apo airova muporofita uyu.

Tsungai anoonekwa nevamwe vanhu vemhuri yekwaKarimanzira vachiedza kununura Shepherd kuti asarambe achirova muporofita uyu.

Tsungai akaramba kutaura nevatori venhau achiti vanofanirwa kutaura nemunhu akatora vhidhiyo riri kutenderera padandemutande.

“Ndiyani akakupai nhamba dzangu? Pedzeranai naye munhu iyeye,” anodaro.

Pavhidhiyo iri, Shepherd anonzwikwa achitaura kuti: “Ari kuti sekuru vangu vari kubuda pamwana wemutorwa, mwana wemukwasha, ari kutadza kukudza sekuru vangu. Zvine musoro here izvozvo?

“Kana achikwanisa kuzvimirira ngaaende kumapurisa ondimhan’arira kuti ndamurova.”

Sherpherd akavimbisa kurova muporofita uyu pese paanosangana naye kusvika amhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Share This:

Sponsored Links