Uncategorized

Muporofita wemubako akazofa

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Muporofita wemubako akazofa Madzibaba Tinapi achibatsirwa nenyanzvi dzekumugodhi weMazowe Mine neFredda Rebecca Mine

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUPOROFITA uye weJohane Masowe yeChishanu – wekubuda munhau achinzi akamedzwa nebako apo akanonamatira mugomo rinoyera kwaMambo Makope, kuChiweshe achida kuwedzera masimba – anonzi akazofa mushure mekuita nguva achirwara ari kumusha kwake kuGuruve.
Kwayedza gore rapera yakaburitsa nyaya yaMadzibaba Tinashe Tinapi (31), uyo ainzi akakwira mugomo reChiwonde achinotsvaga masimba echiporofita asi ndokuzombandidzirwa mubako maaiva apinda akaita mazuva arimo pasati paitwa chivanhu chakazoita kuti akwanise kununurwa nevashandi vepamugodhi.

Madzibaba Tinapi apo aive akamanikwa mubako mugomo reChiwonde

Muporofita uyu akazonunurwa mubako iri nenyanzvi dzakabva kumigodhi yeMazowe neFredda Rebecca apo akazomhanyiswa kuchipatara cheConcession uko akasvikopfuudzwa kuParirenyatwa Group of Hospitals.
Mambo Makope, VaJacob Mapirinjanja, vanotsinhira nyaya yekuti muporofita uyu akazofa.

Mambo Makope

“Muporofita uyu akaenda mugomo reChiwonde iro rinoyera zvikuru muno muChiweshe, akazonovharirwa mubako iri ndokumbandidzirwa umo akaita mazuva achichema. Takazoendako nevakuru vedu tikanouchira kuti akwanise kubudamo.
“Takamupa mhiko dzekuti aifanirwa kuzodzoka kuzoripa zvaakaita izvi kana achinge apora. Asi azobuda kuchipatara kudaro, haana kuzodzoka izvo zvakazoita kuti afe. Tinoti akarwiswa nemidzimu yemuno.
“Kunyangwe akafa kudaro, hama dzake dzinofanirwa kuuya kwatiri toita chivanhu chacho nekuti dzinza rose rinokwanisa kuramba richiteverwa nemidzimu yemo mugomo iri,” vanodaro mambo.
Madzibaba Tinashe anonzi aibva kuRuyamuro, kwaKondo, kuGuruve uko kunonzi ndiko kwaakazoshaikira.
“Murume uyu amanikira mubako iri, ini samambo ndakaenda ndokunotora sabhuku wemusha une gomo iri anova Sabhuku Chirimuuta nevakuru vedu tikauchira nekuisa bute pasi kuti abude. Akanzi iye nemhondoro dzaivapo aifanirwa kuzodzoka achiripa mombe mbiri nembudzi izvo asina kuzoita ndokuteverwa nemhepo dzemasvikiro edu, akafa.
“Ndakatumirwa nhume kuno ichiti munhu uye akazofa. Tinoti vanamati ngavasatamba nenzvimbo dzinoyera, vanomedzwa sezvakaitwa muporofita uyu kana kusangana nemamwe matambudziko,” vanodaro Mambo Makope.
Bako rakamedza muporofita uyu rinonzi rine zviyo nezvimwe zvirimwa zvakasiiwa nemadzitateguru enzvimbo iyi kare sezvo vachinzi vaigara muninga dzemo.
“Mumapako makapindwa nemuporofita uyu munonzwikwa mbira dzichirira, kurira huku, kukuma mombe, kuchema kwembudzi nekunzwa vanhu vachidzvura,” vanodaro Mambo Makope.
Vanotiwo dunhu ravo rakarwiwa hondo yeChimurenga zvakanyanya uye varwi vehondo vainohwanda mumapako emugomo reChiwonde.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemudzimai waMadzibaba Tinashe, Madzimai Esnathi Tamanikwa (26), kuti vataurewo nezvemurume wavo.

Asst Insp Masikati

Asi mutauriri wemapurisa kuMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti havasati vawana mashoko ari pamusoro pekufa kwemuporofita uyu..

Share This:

Sponsored Links