Uncategorized

Mupositori akaponda mudzimai

16 Apr, 2021 - 12:04 0 Views
Mupositori akaponda mudzimai Insp Milton Mundembe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMusana, kuBindura, ari kutsvagwa nemeso matsvuku nemapurisa eko achinzi akaponda mudzimai wake wechigumi nemumwe pabarika uyo waaipomera kuita gumbo mumba gumbo panze.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti akapondwa ndiEmerina Gandira uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa uye aiva mudzimai wechi11 pachipari.

“Tiri kutsvaga murume anonzi Joseph Chogugudza (51) anobva mubhuku raDzemwa, kwaMambo Musana, kuBindura nemhosva yaari kupomerwa yekuponda mudzimai wake Emerina Gandira uyo aipomera kuti aiita zvechipfambi. Nyaya iyi yakaitika nemusi wa12 Kubvumbi kubva pakati pehusiku kusvika rechimangwana acho nemusi wa13 pakazofa mudzimai uyu,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti nemusi uyu pakati pehusiku, Chogugudza anonzi akatanga kupopotedzana neGandira achimupomera kuti aiita chipfambi.

“Chogugudza anonzi akataurira mudzimai wake wechigumi, Beauty Chigosiva (21), kuti pane munhu waaida kurova musi uyu. Akabva atora tambo yemagetsi ndokupinda mumba maiva murere Emerina Gandira ndokutanga kumurova netambo iyi muviri wose.
“Beauty Chigosiva akanzwa Emerina Gandira achichema akashaya zvaakaita pakununura mumwe wake,” vanodaro Insp Mundembe.

Murume uyu anonzi akaramba achirova Gandira kusvikira rechimangwana racho mangwanani nenguva dza5 apo akazofenda.

“Chogugudza nemamwe madzimai ake gumi vanonzi vakazoenda kunonamata pakirawa iri pamusha wavo ndokumanikidza Emerina Gandira kunonamatawo nevamwe apo airwadziwa achigomera nemaronda.
“Panguva iyi, aida kumurova zvakare achimuti ainyepedzera kurwadziwa. Vakadzoka kumba apo mudzimai uyu akapunzika ndokufenda. Chogugudza anonzi akatora tambo iya ndokurova mudzimai uyu arere pasi uyo asina kumuka,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti Chogugudza akazotora mugomo waiva uzere mvura aona mudzimai uyu ave kutadza kumuka ndokumudira muviri wose achibva angofa ipapo.

Murume uyu anonzi akazoenda kumuvakidzani wake, Sofia Garwe (41), ndokumuudza kuti ainge auraya mudzimai wake. Chogugudza anonzi akazodzoka zvakare kumba kwake ndokunotaurira mamwe madzimai ake kuti akanga ava kunozvipira kumapurisa kuti aponda mudzimai wake.

“Anonzi akasvika kumba kwake akazivisa madzimai ake hurongwa hwake, akabvisa mbatya dzake dzaiva dzizere ropa remudzimai wake waakanga aponda, ndokupfeka dzakachena, achiti ava kunozvipira kumapurisa. Akabva angobva pamba achibva atiza, kumapurisa haana kuzombosvika kusvika nanhasi uno uyo tiri kumutsvaga nekuda kwemhosva iyi,” vanodaro Insp Mundembe.

Washington Dzemwa (32) anonzi ndiye akazoridzira mapurisa ekuShamva nhare achitaura kuti Chogugudza ainge aponda mudzimai wake.

“Matikitivha ekuShamva vakazoenda pamusha pemhuri iyi vakatakura mutumbi uyu kuenda nawo kumochari yechipatara cheShamva.

“Tiri kutsvaga Joseph Chogugudza nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda. Vanoda kubatsira vanoridza nhare dzinoti 0662107727 kana dzeCID Bindura dzinoti 6515,” vanodaro Insp Mundembe.
Zvichakadai, sangano rinomirira madzimai reMsasa Project rinoshora kupondwa kwemudzimai uyu.
“Nyaya yekupondwa kwemudzimai uyu inoratidza mhando yepamusoro yekushungurudzwa kwemadzimai mudzimba,” vanodaro Mai Precious Taru vanova mukuru weMsasa Project.

Mashoko avo anotsinhirwa naArchbishop Johanes Ndanga vanova mukuru weApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) vachiti sangano ravo rinokurudzira kugara murunyararo mudzimba kune vakawanana.

Archbishop Ndanga

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey