Mupurisa akaba $90 000

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Mupurisa akaba $90  000

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MUPURISA wekuChinhoyi uyo aishanda safinance assistant kuZimbabwe Republic Police (ZRP) anonzi akatiza munaZvita gore rapera mushure mekuba $90 000 yebasa asi ndokuzobatwa svondo rapera ari paimwe hotera iri muHarare achitodya zvake nyika rutivi.

Sergeant Lameck Karombo akarambirwa bhero rekuti atongwe achibva kumba apo akamiswa pamberi pedare reChinhoyi Magistrate Court svondo radarika.

Muchuchisi Patson Chirambwi akaudza dare kuti anopikisana nekuti Karombo atongwe achibva kumba nokuda kwekuti matiziro aakaita kusungwa anoratidza kuti akawana mukana anogona kungotiza zvakare.

Karombo akabva avharirwa muchizarira achimirira musi wa14 Ndira apo pachatanga kutongwa nyaya yake.

Muchuchisi Chirambwi anoti nomusi wa4 Zvita gore rapera, Karombo akapinda muPaynet System yeZRP achishandisa zita rake ndokuwana mukana wekuba mari yaivemo yaikwana $90 000.

Pane fungidziro huru yekuti Karombo akakwanisa kuwana mapasswords aRangarirai Mushaurwa naSebasteni Meki avo vaive vakuru vake pabasa.

Karombo anonzi akatora mari iyi muPaynet System iri $60 000 ne$30 000 kubva muakaundi yeZRP Mashonaland West CBZ Contingency Account ine nhamba dzinoti 009822980790015 ndokuiisa muakaundi yake yekuAgribank ine nhamba inoti 110000073369.

Karombo anonzi akazoshandisa ZIPIT kubvisa mari iyi muakaundi yake achiisa mumaakaundi akasiyana evanochinja mari (money changers) muHarare achibva apihwa maUS$.

Dhiri iri rakazobuda apo ZRP provincial finance officer, Tendai Hativagone, ainge oda kubhadhara mapurisa akashanda pachirongwa chekunyoreswa kwevanhu vaida kuzovhota musarurdzo dzenyika dzegore rino (biometric voters registration exercise) ndokushamisika achiona musina mari.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa uye panguva iyi, Karombo akabva anyangarika muChinhoyi kubva mumwedzi waZvita gore rapera apo akazobatikidzwa nemapurisa aive anyeverwa nevamwe vanhu kuti akange ari kugara paHolicy Hotel, muHarare.

Share This:

Sponsored Links