Mupurisa ‘Hondo’ abirwa Honda Fit

29 Sep, 2022 - 18:09 0 Views
Mupurisa ‘Hondo’ abirwa Honda Fit

Kwayedza

Danisa Masuku

APO Detective Sergeant Taurayi Hondoyemoto vakasiya Honda Fit yavo yakamira pamberi pechimwe chitoro chiri pakati peguta reBulawayo, havana kumboziva kuti pavaizodzoka vaiwana mota iyi yanyangarika.

Mumwe anoziva nezvenyaya iyi ataura nemunyori uno asi asina kuda kudomwa nezita rake anoti: “Paakabuda (Hondoyemoto) muchitoro, haana kukwanisa kuzvibvuma paakaona kuti motokari yake yaisaonekwa.
“Semunhu aive apererwa, akaitsvaga munzvimbo dzekupaka motokari dziri pedyo asi chokwadi yakanga yaenda,” anodaro.

Detective Sgt Hondoyemoto vanonzi vakambobvunza vamwe vanhu vaive pedyo asi hapana akakwanisa kuvaudza kuti mota yavo yaive kupi uye kuti ndiani akange aiba. Pazvakazovajekera kuti yakanga yabiwa, ndipo pavakamhanyira kuBulawayo Central Police Station ndokunomhan’ara nyaya iyi.

Mota iyi inokosha US$4 000 uye haisati yawanikwa. Mutauriri wemapurisa muBulawayo, Inspector Abednico Ncube, havana kubatika kuti vataure pamusoro penyaya iyi.

Chiitiko ichi chinouya pasina mwedzi mushure mekunge mumwezve mupurisa anoshandira kuchikamu chePolice Protection Unit (PPU) arasikirwa nemotokari yake yeHonda Fit yaakanga amisa yakatarisana neSouthampton Building ikoko kuBulawayo.

Assistant Inspector Tawedzengwa Runyare vakapaka Honda Fit yavo chena panzvimbo iyi ndokusiya vavhara mahwindo ose nedhoo vasati vaenda kuhofisi kwavo.

Pavakadzoka mushure memaawa mashomanana, vakavhunduka pavakaona kuti motokari yavo yakanga yabiwa.

Share This:

Sponsored Links