Uncategorized

Mupurisa otengesa mbanje mukamba

06 May, 2022 - 18:05 0 Views
Mupurisa otengesa mbanje mukamba

Kwayedza

Abel Zhakata

MUPURISA wekuHeadlands – uyo anonzi anga achitengesa pamwe nekugovera mbanje pamba yake iri mukati mekamba – amiswa mudare reRusape Magistrate Court nemhosva yekuwanikwa aine zvinodhaka zvisingatenderwe pasi pemutemo uye nekuzvishandisa.

Shingirai Enock Tapatapa (29) nemumwe wake, Taurai Maruwa (27), vakanzi vagare muhusungwa kusvika nemusi wa9 Chivabvu apo vakamiswa pamberi pemutongi Mai Lucy-Anne Ndiraya.

Vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo weSection 157 of the Criminal (Codification and Reform) Act), Chapter 9:23 .

Muchuchisi VaTawanda Karikoga vakaudza dare kuti musi wa28 Kubvumbi, Maruwa akasungwa nemhosva yekurova mumwe munhu.

“Murume uyu akasechwa muviri wake ndokuwanikwa aine kabhegi kadiki kaiva nemasachetsi 19 embanje. Mukubvunzurudzwa nemapurisa, akataura kuti akange apihwa mbanje iyi naConstable Tapatapa kuti avatengesere.
“Akabva azivisa kuti mupurisa uyu ndiye ainge arongedza mbanje iyi. Akaenderera mberi ndokuti Const Tapatapa aive neimwe mbanje yakarongedzerwa mupurasitiki mumba make,” vanodaro VaKarikoga.

Const Tapatapa akabva atsvagwa zuva iri asi haana kuwanikwa sezvo aive asiri pabasa.

Zvisinei, zuva rakatevera racho akaenda kubasa ndokushevedzwa kuhofisi yaofficer-in-charge uko akaudzwa nezvemhosva yaaipomerwa.

“Assistant Inspector Kasange, Sajeni Chikwature naConstable Govha vakamuperekedza kumba kwake uko kwakanosechwa zvakare.

“Vachisvika pamusiwo wemba yake, Tapatapa akaudza mapurisa matatu aya kuti akanga ashaya makiyi emumba make. Akasechwa ndokuwanikwa aine sacheti yembanje muhomwe yetirauzi rake yekurudyi. Makiyi emumba make akawanikwa ari muhomwe imwe chete iyi.

“Pakusechwa kwakazoitwa mumba make, makawanikwa muine bhegi dema raive nembanje iro rakaburitswa mumagumbeze aTapatapa. Mbanje iyi yakabva yaendeswa kuPost Office kwaRusape uko yakaonekwa kuti yairema 920 grammes. Ichaburitswa mudare seumboo,” vanodaro VaKarikoga.

Share This:

Sponsored Links