Murairidzi waZemura aroveswa pasi

30 Aug, 2022 - 15:08 0 Views
Murairidzi waZemura aroveswa pasi Scott Parker

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI waJordan Zemura kuchikwata cheAFC Bournemouth, Scott Parker adzingwa basa nhasi zvichitevera kuzvambaradzwa kwavakaitwa neLiverpool 9-0 nemusi weMugovera wadarika.

Kurakashwa kwakaitwa Bouthmouth neLiverpool hakuna kugamuchirwa nevaridzi vechikwata ichi pamwe nevatsigiri venhabvu avo vakakatyamadzwa zvikuru sezvo pange padarika mwaka mizhinji pasati pamboita chikwata chinokundwa 9-0.

Parker abva aita murairidzi wekutanga kudzingwa basa muEnglish Premier League mwaka uno uye adzingwa pangotambwa mitambo mina chete.

Muridzi weBournemouth – Maxim Demin – anyora padandemutande kuti, “Tinoda kutenda zvikuru kuna Scott nechikwata chake panguva yataive tose.

“Kudzoka kwataita muPremier League achirairidza chikwata chedu tichagara tichikurangarira kwemakore akawanda anotevera.

“Asi kuti tirambe tichibudirira sechikwata, tinofanirwa kufamba negwara chairo rebasa redu uye kupanana rukudzo nguva dzose.

“Gadziriro dzekutsvaga murairidzi mutsva anomutsiva dzatotanga.”

Mumitambo yakarairidzwa naParker mwaka uno muPremiership, wekutanga chikwata chake chakakunda Aston Villa 2-0, ndokuzokundwa 4-0 neManchester City, chikazokundwa zvakare 3-0 neArsenal uye 9-0 neLiverpool.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey