Uncategorized

Muramu ojaira kufamba ari musvo

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Gibson Mhaka

MURUME wekuUmzingwane, kuMatabeleland South, akashaya pekupinda nenyadzi ari mudare redzimhosva apo akafumurwa kahunhu kake kekufamba-famba asina kupfeka mumba pamberi pemuramu wake nevamwe vemhuri.

Sithembinkosi Moyo anoti anogara achinetsana nababamukuru vake, Khefasi Gumpo, nekuti haadi kupfeka zvakadzikama.

Anoti zvakare muramu wake uyu anomanikidza mwana wake kuti amuwachire chipfeko chake chemukati icho anenge aitira tsvina.

Gumpo — uyo akange amhan’arira muramu wake kudare achiti ari kumushungurudza — anoti Sithembinkosi ndiye ari kufurira vamwe vemumhuri yake kuti vasamufarire.

“Ndine imba kuEsiphezini uko ndinogara namai vangu nemunin’ina wangu nemudzimai wake nevana vaviri. Ndaive musoja uye ndakasiya basa mugore ra2018 ndokuenda kuSouth Africa.

Pandakadzoka mugore ra2018, ndakaenda kuEsiphezini ndokusvika ndichitambirwa zvakashata namai vangu nevamwe vemumhuri.

“Izvi zvakaitika nekuti mudzimai wemunin’ina wangu Sithembinkosi Moyo aivafurira achivakurudzira kuti vandidzinge pamba.

Ndiye ari kunzoresa zvese zviri kuitika pamba pedu nemhuri yedu. Rimwe zuva akauya mumba mangu mandinorara ndokukudubura mubhedha wangu kwave kutora magumbeze angu,” anodaro Gumpo.

Anoti paakapedzisira kushanya kumba, akatadza kupinda mumba sezvo paive nemushonga wainge wakaiswa pagedhi.

“Ndakabva ndadzoka shure. Anogara achindipopotera achiti ndinopenga nekuti ndakarova guva rababa vangu.

Ndakazviita ndaudzwa neimwe n’anga kuti ndinofanirwa kutora ivhu paguva ravo ndoenda naro kumusha kwedu. Sithembinkosi kwave kuti ndine dhimoni uye munhu musvinu haaite zvakadaro,” anodaro Gumpo. Mashoko aya haana kufadza

Sithembinkosi zvakaita kuti abve aviruka nehasha mudare achiti babamukuru vake vanofamba vasina kupfeka zvakanaka.

“Ndibamukuru vangu uye vari kutadza kundiremekedza. Ari kugara akapfeka boxer shorts chete ndiripo ndichizviona achifamba-famba mumba. Anopa mwana wangu kuti awache zvipfeko zvake zvemukati uye ari kushungurudza amai vake achivati muroyi.

“Kana achiti ndakamuvenga kudai ndisina kumbomupa imba yekurara. Ndakamupa pekugara sezvo akange asiri kugarisana zvakanaka nemudzimai wake,” anodaro Sithembinkosi.

Gumpo akazoshamisa dare apo akati akasununguka kupfeka zvaanoda kana ari pamba.
Mutongi Rachel Mukanga akatsamwiswa nemhinduro yaGumpo iyi zvakaita kuti arase chikumbiro chake chegwaro redziviriro achiti haana kupa umboo huzere hunotaridza kuti ari kushungurudzwa naSithembinkosi.

Share This:

Sponsored Links