Muredzi wehove amedzwa negarwe

24 Jan, 2023 - 17:01 0 Views
Muredzi wehove amedzwa negarwe Garwe rakavhiyiwa mushure mekunge rauraya, ndokudya murume airaura hove murwizi Runde kuChiredzi.

Kwayedza

George Maponga ari kuMASVINGO

MURUME anofungidzirwa kuti ane makore 40 okuberekwa akauraiwa ndokudyiwa negarwe apo airaura hovde murwizi Runde, kuChiredzi.

Izvi zvakaita kuti vebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) vasvike pakutora danho repfura garwe iri ndokurivhiya kuti vakwanise kuburitsa mutumbi wake.

Vashandi veZimparks vakavhima garwe iri, iro raive rakareba mamita mana, ndokurivhura dumbu kuti vatore mutumbi wemurume uyo asati azivikanwa.

VeZimparks vanonzi vakaendesa mutumbi wemurume uyu kumapurisa kuti uzoendeswe kumochari.

Mutauriri weZimparks, VaTinashe Farawo, vanotsinhira nyaya iyi ndokuyambira veruzhinji kuti vasatambira pedyo nenzizi sezvo zviine njodzi, zvikuru munguva ino yekunaya kwemvura.

VaFarawo

“Takava nechiitiko chisingafadzi apo mumwe murume ane makore angangosvika 40 akarwiswa akauraiwa negarwe achiredza hove murwizi Runde. Chikwata chedu chakaronda garwe iri vakariuraya ndokubudisa mutumbi uyu. Nzvimbo dzose dzine mvura dzine njodzi saka vanhu vanofanira kungwarira,” vanodaro VaFarawo.

“Ruzivo rwatinarwo pari zvino nderwekuti mushakabvu uyu airaura hove husiku nemumwe wake murwizi Runde apo akawirwa nedambudziko iri,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey