Murimi gara wagadzirira

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

VANAMAZVIKOKOTA vezvemamiriro ekunze vanoti Zimbabwe imwe yenyika dzinotarisirwa kunaya mvura yakaringana, asi paine mukana mukuru wekuti inogona kuzoshomeka pane inotarisirwa kunge ichinaya mumwaka wose wekurima wa2018/19.

Bazi reMeteorological Services Department rinoti izvi zvinoreva kuti nyika ine mukana wekuwana mvura shoma mwaka unotevera.

Mwaka wekurima wa2018/19 unonzi uri kuratidza kuti kuchave neinzi El Nino. El Nino inodyidzana nekudziya kwemamiriro ekunze ayo anokonzera kudziya kwemvura inenge iri pamusoro mugungwa rePacific Ocean uye kwemakore akawanda mamiriro ezvinhu akadai anokonzera kunaya kwemvura shoma mudunhu rino. Tsvakirudzo dzeSainzi dzinoratidza kuti chikamu che62 percent cheEl Nino chinowanzokonzera kunaya kwemvura shoma muZimbabwe, izvo zvinoita kuti tisare nechikamu che40 percent chekunaya kwemvura zvakanaka mwaka wose. Asi, vanoita tsvakirudzo vakaonawo kuti hazvirevi kuti kana kuine El Nino, zvobva zvareva kuti kuchaita nzara nguva dzose.

Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, zvakakosha kuti varimi vaite gadziriro dzavo dzemwaka unotevera zvine hungwaru.

Panguva ino, murimi akangwara anofanira kuve ave nezvekushandisa zvakadai semafetireza, mbeu nemishonga zvakakwana.

Tinotenda zvikuru basa riri kuitwa neHurumende rekupa varimi zvekushandisa pasi pechirongwa chePresidential Input Support Scheme icho chakaita kuti nyika iwane goho guru mwaka wadarika.

Ivo varimi vari kubatsirwa nezvekushandisa muminda izvi neHurumende ngavachizvishandisa nemazvo, kwete kuita hudyire sekupedzisira vave kuzvitengesa.  Zvakakosha kubata mwaka kuburikidza nekuve nemumera wekutanga, zvikuru apo mvura inotarisirwa kunge ichizonaya iri shoma.

Ongororo yakaitwa nanamazvikokota vekurima inoratidzawo kuti kazhinji kana murimi akave nemumera wekutanga, kashoma kuti asawane goho rakanaka.  Mumera wekutanga wakakosha pakuti kana mvura ikazoshomeka pakati peZhizha, asi yambotanga zvakanaka, zvirimwa zvinenge zvakadyarwa nemvura yekutanga zvinosvika.

Izvi zvinoreva kuti mushure mekunge murimi aona kuti aunganidza zvose zvinodiwa, hapana chekumirira asi kuti anofanira kutotanga kurima – kuya kunonzi nevamwe kufanobandira – achishandisa dzingave mombe kana tirakita kuitira kuti adyare nemvura yekutanga.

Kune vamwe vanodyara mbeu zvakare pasina kurimwa kuburikidza nenzira inozivikanwa nekuti Zero Tillage iyo inonzi inopa goho guru, saka murimi ita zvido zvako. Sezvo mvura ichinzi ichanaya zvisina kuringana mwaka unotevera, varimi vanokurudzirwawo kudyara mbeu dzingave dzechibage dzinochimbidza kuibva kuitira kuti kana mvura ikazoshomeka, vanokwanisa kukohwa, mhuri dzigoguta.

Kune vaya varimi vari kumatunhu agara anonaya mvura shoma mumwaka yose zvisinei nekuti kune El Nino, vakadai ava vanokurudzirwawo kuti vadyare mbesa diki dzakaita semapfunde, zviyo kana mhunga idzo dzinotivirira muzuva.

Varimi vanofanirwa kushanda nemadhumeni ari kumatunhu avo sezvo vari ivo vane ruzivo pamusoro pembesa dzinokodzerana nenzvimbo dzavo.

Share This:

Sponsored Links