Murimi oita zvinorova nekupfuya nehove

26 Jun, 2022 - 15:06 0 Views
Murimi oita zvinorova nekupfuya nehove

Kwayedza

Fungai Lupande ari kuCHIWESHE

MURIMI wehove ava nemukurumbira wemubhuku raChinehasha, kuChiweshe anoti ane chinangwa chekuwanisa vagari vemunzvimbo iyi nevamwe kudya kune utano, kupinza vamwe mabasa pamwe nekukurudzira varimi kuti vavandudze mabasa avo.

Kunyangwe zvazvo hurongwa hweHurumende hwekuda kuvamba chirongwa chemadiridziro uye kupfuya hove mumusha waChinehasha huri kuenderera mberi, VaMisheck Shamhu vakatotanga kare basa iri ikoko.
Murimi uyu ane madziva (fish ponds) aanochengetera hove idzi pedyo nedhamu guru reLilstock.

Madziva aya anonyatsopinda mweya weokisijeni uye anovharwa nemambure kudzivirira shiri kuti dzisadye hove.
Vavariro yavo ndeyekuvaka mamwe madziva makuru maviri kuti vawedzere huwandu sezvo hove dzavari kupfuya dziri kudiwa zvakanyanya muChiweshe nekuHarare.

Vachitaura apo vaikohwa hove dzavo svondo rapera, VaShamhu vanoti vakatanga chirongwa ichi muna2020.

“Takatanga kuuya nemafiriji pano ekuchengetera hove idzi asi iko zvino chirongwa ichi chave kuzivikanwa muChiweshe. Hove dziri kudiwa kwakawanda uye ndiri kutadza kuzadzikisa zvinodiwa pamusika,” vanodaro.

“Pane imwe nguva, ndakakumbirwa kuti ndipe tani rehove pazuva asi ndakatadza kuita zvaidiwa. Hurongwa hwangu ndehwekuwedzera huwandu hwemadziva kuti tigodzikohwa svondo rega-rega.

“Musika uripo uye ndinokurudzira vamwe varimi kuti vaedze bhindauko rekupfuya hove,” vanodaro.

Sabhuku Phidias Chinehasha vanoti chirongwa chekupfuya hove chiri kubatsira vanhu vemunzvimbo yavo kuti vasaende kunoredza hove kudhamu reLilstock uko kune njodzi yekuti vanogona kubatwa nemakarwe.

Vanoti musha wavo wakasara usina mombe mushure mekunge chirwere cheTheileriosis (January disease) chauraya zvipfuyo zvavo zvose gore rapera.

“Nharaunda yedu iri kubatsirwa zvikuru nechirongwa chehove ichi kuburikidza nekuwaniswa kudya kunovaka muviri,” vanodaro.

“Mitengo yacho inokwanisika uye vanohodha vachitengesa vari kuwana purofiti. Ichi chirongwa chakanaka.”

Share This:

Sponsored Links