Murimi okohwa pakuru nemunda mudiki

12 Dec, 2022 - 10:12 0 Views
Murimi okohwa pakuru nemunda mudiki

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME aimbova mudzidzisi uyo anogara mumusha weRiverside Park, kuChitungwiza, anoti akaona kukosha kwevhu, ndokusiya basa rehurairidzi achibva atanga kurima izvo zvaita kuti ave nebudiriro huru muupenyu hwake.

VaStanley Mawire (55) – avo kumusha vanobva kwaMurambinda, kuBuhera – vakurumbira nekurima zvirimwa zvinosanganisira mavise, mbatatisi, muriwo, mbambaira, derere, madomasi, manhanga nechibage.

Pamusoro paizvozvo, vane madziva ehove nemikoko yenyuchi panzvimbo duku yavari kurima iyi.

Chishuwo chavo ndechekuwana munda wakakura kuti vanyatsokudza basa ravo nechinangwa chekuti vabatsire pakusimudzire zvekurima, nyika igova nemaguta.

Vanoti vakanyorera kubazi rinoona nezvekupihwa kweminda asi havasati vawana mukana wekupihwa pakatambanuka kuitira kuti vazadzikise zvinangwa zvavo.

“Ndakafundira basa rehudzidzisi, ndikamboshanda kwemakore akawanda semurairidzi. Ndakazoita tsvakurudzo yangu semunhu akakurira kumusha kuBuhera kwaMawire uko tairima, ndikaona kuti nduramo yangu iri pakurima.

“Ndakatsvaga puroti yakakura hekita imwe chete apo ndinorima zvangu padyo mumugwagwa unobva Harare uchienda kuHwedza nekuMarondera uchinanga kumusha kwangu kuBuhera. Pano ndiri kurima zvinonwisa mvura, kwete kuzvitutumadza,” vanodaro VaMawire.

Vanoti kubva pavakatanga zvekurima izvi vachiita zvekudiridzira, upenyu hwavo hwasanduka.

“Ndinorima ndichitenderedza zvirimwa zvangu kuti pandabvisa chimwe chirimwa ndodyarawo chimwe zvinoita kuti ivhu remunda wangu risashaye simba. Izvozvi ndakarima mavise ekudiridzira ayo ari kundipa mari. Ndinotengesa akazara zvisinei nekuti kune vamwe vanoda kuchekerwa.

“Manwiwa aya ndakaadyara ndichipesanisa kubva mumwedzi waChikunguru kusvika munaNyamavhuvhu, anotora mwedzi mitatu kuti aibve.”

VaMawire vanoti vakarima mavise emhando dzakasiyana.

“Mavise anowirirana nemwaka weChirimo sezvo asingade mvura yakawanda seyemuZhizha. Anodawo kufiritwa nguva dzose kuitira tumbuyu uyewo ndinodiridza nemvura inobva muchibhorani tichishandisa iya yatinoti ‘drip irrigation’.

“Zvirimwa zvose zvinokurumidza kupa mari ndinorima ndichibatsirana nemudzimai, vana vangu nevamwewo vakomana vebasa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kunze kwemavise, ndine chibage chava kutoibva icho chandakadyara muChirimo. Munda wangu wava mudiki izvo zvava kuita kuti nditsvage mimwe yekurenda sekwaMurape, kwaSeke. Dai zvaikwanisika, ndaiwaniswawo munda mukuru muchirongwa cheHurumende chekugovewa kweminda.”

Vanoti kubudirira kwavo munyaya dzekurima vanoshanda pamwe chete nevarimisi vemunharaunda yavo.

“Nyaya huru pakurima kushandisa ruzivo rwenyanzvi zvinoita kuti munda mudiki ukupe goho rinogutsa. Mvura yangu yekudiridzisa inodhonzwa nemagetsi saka nekudzimwa kunoitwa magetsi, zvinombonetsa,” vanodaro VaMawire.

Vanoti makasitoma avo anobva munharanda yeChitungwiza nekumwe nekudaro havana dambudziko revanovatengera.

Share This:

Sponsored Links