Muriwo wespinach wakakosha

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MURIWO wespinach wakakosha zvakanyanya kuutano hwevanhu, zvikuru kumadzimai akazvitakura sezvo uine iron yakawanda iyo inosimbisa mabhonzo uye kubatsira mukuumbika kwemwana ari mudumbu.

Svondo rino Susan Mutonhori wekuMasvingo anotitsanangurira mamwe mabikirwo emuriwo uyu.

Zvinodiwa:

Muriwo wespinach, pani, majarini, hanyanisi, garlic, cream cheese nemukaka.

Mabikiro:

Isa chipunu chemajarini mupani.

Siya apise ari pamoto wokanda muriwo waunenge wacheka muzvidimbu zvidiki.

Kana uchinge warukutika, kuna mafuta ose.

Kanda munyu wakaringana wochereka hanyanisi, garlic nematomatisi wokanga kweminiti rimwe chete.

Wozodii?

Fashaidza mukaka mumbishi wakasangana necream cheese.

Chikanda spinach iya zvikwate kwemaminitsi mashanu.

Spinash iyi inofanira kusara yakasvibira kuita ruvara rwegirini.

Chibura hako unakirwe nemhuri.

Unogona kudya muriwo uyu nesadza kana kuisa pachingwa, sarudzo ndeyako.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links