Muriwo wetsunga une dovi

07 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Muriwo wetsunga une dovi Tsunga ine dovi

Kwayedza

MURIWO wetsunga une dovi wakakosha zvikuru kuutano hwevanhu sezvo uine maVitamin A neC uye iron izvo zvinobatsira mukusimbisa mabhonzo nekuwedzera ropa mumuviri.

Svondo rino Talent Maurede wekuGoromonzi anotsanangura mamwe mabikirwo emuriwo uyu zvemandorokwati.

Zvinodiwa:
Chikari, chipunu, munyu, muriwo wetsunga, matomatisi, mafuta nedovi

Mabikiro:
Geza hanyanisi nematomatisi wocheka muzvidimbu zvidiki.

Geza muriwo wouchekerera.

Gadza chikari pamoto woisa muriwo.

Kanda munyu wakaringana netumafuta tushoma.

Siya zvikwate kwemaminitsi gumi wozokanda hanyanisi nematomatisi zvawacheka.

Isa dovi zvipunu zviviri woramba uchikurunga kusvika zvave kukwata segwata-gwata.

Munogona kudya nesadza remhunga, rezviyo kana rechibage uye uku kudya kwechivanhu kunovaka muviri.

 Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>